Vatadzi vanorangwa

Munyaradzi Gunduza
UCHISHANDISA ngano shanu, tsigira pfungwa yokuti vanhu vanoita zvisingatarisirwe muupenyu vanorangwa. [25]

Murungano runonzi Vasikana navakomana shumba mune vasikana vanoroorwa navakomana vavainge vasingazivi izvo zvaisatarisirwa patsika dzaVaShona. Murungano urwu vasikana ava vanopfimbwa navakomana vavainge vasingazive avo vavanosangana navo patsime vachibva vatobvuma. Zuva iroro vakabva vawirirana zvekutizisana. Vasikana ava vaive nekahanzvadzi kavo kadiki kavaida kuti kadzoke kumba ivo vaende nevakomana vavo, asi kakaramba ndokuzopedzisira vaenda nako.

Vari munzira kuenda kumba kwevakomana vavo, vakamborara munzira sezvo vainge vasvibirwa. Hwave usiku pavaidya sadza nenyama, vasikana vakanzi vasadye nyama vachipedza munyepfu, asi vasiye mabhonzo ane munyepfu kuti imbwa dzemuzinda dzizowanawo chekudya.

Vakomana ava vakazomuka vakapinduka kuita shumba ndokudya mabhonzo aye airaswa navasikana vavo. Kahanzvadzi kevasikana ava kaiona zvose zvaiitika, asi kakangonyarara zvako.

Vasvika kumba kwevakomana ava, kakaudza hanzvadzi dzako kuti vakomana vavo vaipinduka kuita shumba, asi vakabva vazviramba vachikapopotera. Kakomana kaye kakazoruka nhava yako yakakazotakurisa hanzvadzi dzako mushure mekunge dzazoona kuti chokwadi vakomana vavo vaipinduka kuita shumba.

Nokuda kweupenzi hwavasikana ava, vanonorangwa apo pavanopotsa vadyiwa neshumba dzavaivimba nadzo vachiti ndivo vaive varume vavo kunyange zvazvo vachizoponeswa nekahanzvadzi kavo kadiki.

Mungano yakanzi Gore renzara chinhu chisingatarisirwi chaiitwa nemurume ari mungano iyi kunyima mhuri chikafu. Mungano iyi mune murume aive nemudzimai wake; kwakaita nzara murume ndokufunga zvokuenda kunotsvaga uchi musango. Akabura uchi achibva asiya aviga humwe musango, akaenda kumba nehushoma.

Akanga ave kupota achidyira uchi hwake kusango achinoramba kasadza kaaisirwa nemudzimai kumba.

Mhuri yakazonyumwa ikatevera murume uyu ichibva yaona kuti aidya uchi kusango; yakatora uchi huya ndokuhudira mavhu namadota. Paakazoda kunodya uchi akawana pasisina ndokuenda kumba aine tarisiro yekuti anodya sadza. Mudzimai wake akamupa kasadza kadiki ndokudya, asi akakumbira rimwe achiti ainge anzwa nenzara.

Mudzimai wake akazotaridza murume uchi hwaaidya oga musango achinyima mhuri achibva amuramba sezvo ainge aona kuti murume uyu akanga asina rudo. Mukadzi akasunga twake akaenda zvachose murume ndokuzosara asina mukadzi.

Murume uyu nekutadza kwaainge aita anozorangwa kuburikidza nekurambwa nemudzimai.

Tinoenderera mberi svondo rinouya nekupedzisa kupindura mubvunzo uyu.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×