Zvinhu zvinoshoreka

Munyaradzi Gunduza
TSANANGURA zvinhu zvaungati ndizvo zviri kushoropodzwa nemunyori maererano neupenyu hwemazuva ano muna Kereke Inofa. [25]

Munyori ari kushoropodza vanhu vari kuenda mhiri kwemakungwa kunotsvaga mari nenzira yechipfambi. Izvi tinozvinzwa naSarah paanenge akagara naMary naPastor Mwenje kumba kwavo kuUK mumupanda wekudyira ari mangwanani. Anoti akanzwa naMary kuti kune vanhurume nevanhukadzi vaibva kuZimbabwe vachiendako kunotsvaga mari kana raramo nenzira yechipfambi.

Munyori ari kushoropodza vanhu vasiri kugona kushandisa fesibhuku. Izvi zvinobuda kuna Charles anenge achitsiurwa nehanzvadzi dzake, Judith naBeauty kuti asanyanye kuita zvefesibhuku achishaya mukana wekuverenga mabhuku. Charles anenge ave kudofora muchikoro nekuti aishaiswa mukana wekuverenga nefesibhuku.

Munyori ari kushoropodza vanhu vanoshandisa indaneti zvisirizvo. Izvi tinozviona panonzi naBeauty indaneti yakanaka zvikuru nekuti ruzivo rwese rwakanyorwa rwunowanikwapo asi akaipa munhu anoishandisa. Anoti indaneti inoshatira pakuti haitarise rudzi nezera remunhu inongoita zvayaudzwa kuti iburitse zvisinei nehunaku kana huipi hwazvo.

Chimwe chinoshoropodzwa nemunyori webhuku iri vanhu vasingagoni kushandisa watsiapu. Zvinobuda panonzi naBeauty watsiapu inodyira munhu nguva kupinda fesibhuku nezvimwe kana akatadza kuzvibata zvinoita kuti azokundikana kuita chinhu chinobatika muupenyu.

Munyori anoshoropodza huori huri kuitwa nevatungamiri vemachechi. Tinozviona kuna Pastor Mwenje vanoba mari gumi rezviuru zvemayusa ekereke aifanira kunobatsira varombo vachiapa Sarah, nhengo yechechi yavaidanana nayo, ndokuzogadzirisa marisiti ekunyepera kuti vasabatwe kuti vakanga vambobvisa chimwe chidimbu chemari iyi.

Chinonyanya kushorwa nemunyori kutadza kuzvibata kunoitwa nevakuru vemachechi. Munyori anojekesa izvi naPastor Mwenje vaitungamira Revelations Church ndokutadza kuzvibata vachibva vatanga kudanana nenhengo yemukereke mavo, Sarah mudzimai waZebra. Kusazvibata kwaPastor Mwenje kunoita kuti vazoguma vapa Sarah mwana muchivande zvinoita kuti Zebra asazoda zvekunamata.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *