Zvinoita kuti munhu anhuwe

Muchaneta Chimuka
DR Bernard Madzima, avo vanova director wechikamu cheFamily Health kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, vanoti kune zvinhu zvakawanda zvinoita kuti muviri wemunhu unhuwe kana kuita kahwema.

“Kunhuwa kwemuviri kunogona kubva mumuromo kana paganda. Semukanwa munogona kunge muine utachiona uye mumhuno kana kuora kwemazino zvose izvi zvinokonzera kunhuhwa.

“Kana munhuwi uchibva muganda, zvinogona kukonzerwa neutachiona kana kudikitira uye dzimwe mhando dzechikafu chinenge chichidyiwa nemunhu. Saka kana munhu akaita ongororo yepanobva dambudziko rake, anokwanisa kudzivirira kunhuwa uku kuburikidza nekugeza, kushandisa mapefiyumu nekushambidzika,” vanodaro.

Dr Madzima vanoti kana dambudziko iri rikatadza kugadziriswa kudzimba, vanhu vanokwanisa kushanyira machiremba kuti vabatsirwe.

“Somuenzaniso, kana ari mazino akaora, machiremba anogona kuabvisa kana kuageza vovhara maburi anenge achipaikira chikafu zvinoita kuti mukanwa munhuwe. Kunhuwa tsoka kunogona kukonzerwa neshangu kana nekusviba kwetsoka uye kudikitira. Zvakakosha kuti kana munhu achinge ageza, apukute tsoka dzooma pane kupinza mushangu dziine hunyoro,” vanodaro.

Vanoti chimwe chikafu chinokonzera kunhuwa kwemukanwa, sekudya chikafu chichinyanya kupisa, svutugadzike inosvibisa mazino kana isina mukaka nezvimwe.

Vanokurudzira vanhu kuti vashambidzike nguva dzose kuburikidza nekupfeka mbatya dzakachena, kugeza nesipo kaviri kana katatu pazuva uye nemvura yakachena.

Dr Madzima vanotiwo zvakakosha kuti vanhu vagere vhudzi remunzvimbo dzakavanzika semuhapwa senzira yekuderedza kubereka kunoita mabhakitiriya ayo anofarira kutambira panzvimbo dzine tsvina.

Bhuku rakanyorwa nesangano reWomen’s Action Group (WAG) iro rinonzi Ziva Utano Hwako rinoti kune mimwe mishonga inoita kuti muviri usanyanya kudikitira (anti-perspirants) zvinova zvinobatsira kuti muviri wemuhu usanhuwa, zvikuru vaye vane miviri yakakura kana kuti vanoshanda mabasa anoda simba rakawanda.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×