Kana zvamubata anopunza midziyo

Courtney Munodawafa
MURUME wemumusha weSunridge, muHarare, anoti akandiswa mapfumo pasi nemudzimai wake uyo anogara achimurova akamubatira mapanga, kupwanya midziyo yemumba uye dzimwe nguva anobva pamba oenda kusina anoziva kwemwedzi mitatu.

Thomas Chinyatsomupfawa akaendesa Lindiwe Masawi kudare reHarare Civil Court achikumbira gwaro redziviriro.

Chinyatsomupfawa anoti mudzimai wake munhu wemhirizhonga zvekuti ave kugara achityira hupenyu hwake.

Mutongi Tilda Mazhande akapa Chinyatsomupfawa gwaro rinomudzivirira.

“Uyu mudzimai wangu kubvira 2016 asi andionesa nhamo. Hatina vana tose uye pari zvino akabva pamba. Pese paanoita zvemhirizhonga anobva pamba, dzimwe dzenguva anoita kana mwedzi mitatu asipo hameno kwaanoenda. Ndinokumbira kuti aregere kundituka, kundirova nekundityisidzira nerufu,” anodaro.

Chinyatsomupfawa anoti mudzimai wake kana zvamubata, anopwanya midziyo yemumba akamubatira mapanga.

“Anopwanya midziyo achindibatira mapanga. Handichadi kuti auye pamba pangu nekuti zviri kukanganisa murungu wangu. Haafanire kundirambidza kana mwana wandinenge ndichigara naye kusvika pamba ipapo,” anodaro.

Masawi haana kuenda kudare kuti anopewo divi rake.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *