Zvinoitika: Dr Manangazira

Muchaneta Chimuka
MUKURU anoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere, Director for Dieases Edipemiological Control, kubazi rezveutano nekurerwa kwakanaka kwevana, Dr Portia Manangazira, vanoti zvinogona kuitika kuti mwana anozvarwa aine mazamu akakura kana kuti achizoonekwa achikura nekufamba kwenguva zvisinei nekuti anenge asati abva zera.

“Hazvisi zvinhu zvekuvhunduka zvakanyanya kana madzimai akaona vana vave kuita mazamu akakura mushure mamazuva mashomanana ekuberekwa nekuti izvi zvinokonzerwa nekuwandisa kwemahomoni emumuviri ayo anobva kuvabereki achienda kuvana.

“Zvakakosha kuti kana mubereki akaona izvi akasike kuenda kuchipatara kana kwachiremba kuti paonekwe kuti dambudziko racho iguru here kana kuti nderiya rinogona kungopera roga,” vakadaro Dr Manangazira.

Vanoti kazhinji dambudziko rerudzi urwu rinowanzopera roga apo mwana anotangisa kukura mukati memwedzi mishoma inenge ichitevera.

“Panyaya yekacheche ako kanonzi kakamera mazamu mushure mesvondo rimwe chete rekuberekwa, harisi dambudziko guru rekuti vanhu vangatangisa kufamba vachibvunzira kumaporofita nekun’anga nekuti zvinhu zvinopera zvoga. Amai vemwana iyeyo ndivo vanogona kudaro vaine mahomoni akawanda mumuviri mavo ayo akatapurirwa kumwana, asi zvinopera.

“Ndinoyambira madzimai kuti aende nevana kuzvipatara vasati vamhanyira kunobvunzira kuzviporofita kana vachinge vasangana nezvinhu zvavanenge vasiri kunzwisisa pavana vavo. Kuzvipatara ikoko kune vapangi vemazano zvekare,” vanodaro.

 

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×