MBUYA Marita Ried vekuZengeza 5, kuChitungwiza, vanoti pane nzira dzakasiyana dzekuuchika vangava varume kana vakadzi.
“Ini sachiremba wechivanhu ndinoti harisi dambudziko kuti munhu akwanise kupa mudzimai wake pamuviri kana kuti iye mukadzi abate nhumbu. Tinoshandisa mishonga yakasiyana, mimwe yatinobika nenyama tichisanganisa nebhinzi kana nyemba asi mumwe vachiita wekunwa,” vanodaro Mbuya Ried.
Mashoko avo akatsinhirwa naMbuya Benadette Maponga (73), vekuChitungwiza zvakare, vachiti zvakakosha kuti murume nemukadzi kana vashaya mbereko vatsvage rubatsiro nguva ichiripo.
“Tine mishonga yekuuchika yakasiyana, mimwe inobikwa nebota mimwewo yekugeza zvibereko neropa revanhurume nekuti vakarega kudaro dzimba dzavo dzinofa,” vanodaro Mbuya Maponga.
Sekuru Elisha Mutanga (60) vanogara kuUshewokunze, muHarare, vanotiwo pane zvakawanda zvinokonzera vanhu kushaya mbereko. “Zvirwere zvepabonde negomarara uyewo nemweya yetsvina, kusanganisa huroyi nezvikwambo, zvinotadzisa kuita vana. Ngozi chaiyo inogona kuita kuti vanhu vatadze kuita vana,” vanodaro Sekuru Mutanga.
“Mishonga yekuuchika iripo muchivanhu asi tinotanga taona kuti kushaya mbereko uku hakuna chekuita nehuroyi, ngozi, zvikwambo kana zvimwe totanga tabvisa mweya iyoyo. Tinozoshandisa mishonga, kumurume kana kumudzimai kana kuvadyisa vose nhumbu yobata.”



