Dausi orwisa mhirizhonga kuvanhukadzi

NYANZVI mumitambo yemadhirama, Dennis Dausi (27) uyo anozivikanwa nezita rekuekita rekuti Madzibaba Teaspoon akabura dambarefu idzva rinonzi Gore Rezvedzidzo iro riri pamusoro pekushungurudzwa kunoitwa vanhukadzi nemaporofita pamwe nen’anga dzenhema.

Dausi, uyo anoimba musambo unodaidzwa kunzi “House Kwasakwasa Dance Hall”, anoekita zvakare neshasha yemitambo yemadhirama Freddy ‘Kapfupi’ Manjalima.

“Mumwedzi mitatu iri kutevera ndinovimba kuti dambarefu rangu iri rinenge rave mumisika. Ndinovimba kuti uyu uchange uri mutakunanzva asi uine dzidziso yakasimba zvikuru yekuti munhu wese ane basa rekuchengetedza madzimai kubva kumhirizhonga, zvikuru kunzvimbo dzavanotsvaga rubatsiro dzakaita sekumaporofita nekudzin’anga,” akadaro.

Anoti dambarefu iri rine nziyo nhanhatu dzinosanganisira dzinoti Zimai Repakona, Nhamo, Zvoupenyu Zvinorema, Ndiko Here Kushandira naNdosipakwa.

“Muna ndiko Here Kushandira ndimo matiri kudonongodza nyaya dzekushungurudzwa kunoitwa madzimai, kunyanya apo vanosvika pakubatwa dzimwe nhengo dzine chiremerera navanamadzibaba vachifunga kuti vari kunamatirwa.

“Apa taiedza kupa chidzidzo kumadzimai kuti vanzvere zvimwe zvinhu zvavanoitiswa nemaporofita nekuti zvine chekuita nekushungurudzwa kwavo apo ivo vanenge vasingazvione,” vakadaro.

Dausi akatanga kupinda munyaya dzemitambo nekuimba mugore ra2004 apo akange achidzidza paEpworth Secondary School.

Dzimwe nziyo dzake dzinosanganisira inonzi Hazvidi Hope iyo yaakabura muna 2011.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *