Zvipfuyo zvopera nen’anga

Kingstone Mapupu
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekudunhu reMashonaland Central vanoti vari kuferefeta nyaya yekuRushinga ine chekuita nehuwori yevanhu vanonzi vari kutorerwa zvipfuyo zvavo zvinosanganisira mombe kuburikidza nen’anga inobva kuMozambique ichishanda namambo weko.

Mutauriri wemapurisa kudunhu iri, Inspector Milton Mundembe, vanoti kune nyaya yakasvika kumahofisi avo yevanhu vari kuti vari kutorerwa mombe dzavo nen’anga inobva kuMozambique inonzi iri kushanda pamwechete namambo wekuRushinga .

“Tine nyaya iri kuferefetwa nemapurisa edu yevanhu vari kuti vari kutorerwa mombe dzavo neimwe n’anga inonzi Everisto Chiyokoto naMambo Makuni VaNicholas Muzika. Vanhu ava vanonzi vari kuripira kuromba kunonzi kwakaita vabereki vavo nehama dzavo dzakashaika kare,” vanodaro Insp Mundembe.

Chiyokoto ane misha miviri kudivi reRushinga, kuZimbabwe nekwaMeki, kuMozambique.

Mukuru wemadzishe kudunhu reMashonaland Central, Mambo Nembire, VaClemence Nyabvudzi, vanotsinhira nyaya iyi.

“Nyaya yekuti kune n’anga inonzi Chiyokoto inobva kuMozambique iyo iri kufamba ichitorera vanhu mombe nembudzi nezvimwewo zvipfuyo ndakainzwa. Mambo wedu ikoko, VaMakuni, vari kupinzwawo munyaya iyi izvo tisina umbowo nazvo. Ndiri kuronga kuendako kuti ndinozvinzwira pamhuno sefodya.

“Nyaya iyi ndakaisvitsa kuhofisi yamudzviti wedu wekuRushinga kuti vaiongorore pamwe chete nemapurisa,” vanodaro Mambo Nembire.

“Hatigone kupa mambo wedu mhosva tisina umboo, tinoda kutaura naye kana paine paanokanganisa togadzirisana.”

Vamwe vanoti vakatorerwa zvipfuyo zvavo vanosanganisira Matambo Madzinga wekwaSabhuku Chizondo uyo anoti akatorerwa mombe mbiri.

Kwayedza yakataura namudzviti weRushinga, Loretta Jonasi uyo anoti haana ruzivo rwakadzama pamusoro penyaya iyi.

“Chandinoziva ndechekuti n’anga iyi inonzi Chiyokoto iri kufamba muno muRushinga asi kuti ndizoziva kuti Mambo Makuni vari munyaya iyi handina ruzivo rwuzere,” anodaro Jonasi.

VaGeorge Kandiyero, avo vanova mukuru wesangano reZinatha vanotiwo zviri kuitwa izvi huwori huri pachena uye vanokurudzira mapurisa kuita basa ravo zvizere.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×