Zviri mugapu: Zondo riri mubhinzi

naMuchaneta Chimuka

MAZONDO mudya ndakasungwa chaiwo kana achinge abikwa zvine hunyanzvi uye muusavi uhu tinowana mapuroteni ayo anovaka muviri nekurwisa zvirwere.

Svondo rino Rumbidzai Zulu wekuChinhoyi anotsanangura mamwe mabikirwo emazondo.

Zvinodiwa

Mazondo, makerotsi, bhinzi, matomatisi, chikari, mvura nemunyu.

Mabikiro:

Bvura mazondo ubvise mvere dzose.

Chiageza woachekesa nemuchina kana zvichigona.

Isa muchikari akwate kweawa.

Chiisa munyu wakaringana netumafuta tushoma.

Kanda bhinzi dzakabikwa nemakerotsi akachekererwa.

Siya zvikwate kwemaminitsi mashanu.

Wozodii?

Kana mazondo aibva anoonekwa nemuto wakakora.

Zondo rinodyiwa nesadza jena, remhunga, remapfunde kana rezviyo. Vamwe vanhurume vanofarira kudya mazondo, zvikuru kunzvimbo dzavanonwira-nwira doro sezvo achinzi anosimbisa musana.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713411281

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×