Zviri mumhuri: Phil Zulu

Abel Ndooka

MUIMBI weAfro-fusion, Phil Zulu, uyo anove dangwe reshasha yemusambo weMarabhi — Kireni Zulu — akaparura dambarefu rake rechipiri rinonzi Hope (Tariro) nguva pfupi yadarika.

Phil ndiye dangwe raKireni uye akambopinda mune zvekuimba kare apo akaburitsa dambarefu rake rekutanga rinonzi “Zvenzeve”.

Akafamba nechikwata chake ndokuzombomira zvemhanzi asi anoti adzoka zvachose zvichitevera kuburitsa kwaakaita dambarefu rake rechipiri.

Phil anoti kuve mwanakomana weshasha yemhanzi ndiko kwakamutuma kutevera matsimba ababa vake nechinangwa chekuzobudirira kusvika padanho ravave.

“Ndakakomborerwa kuve dangwe raKireni, moziva zvakabva zvandiitirawo nyore nekuti baba vanondibatsira zvikuru munyaya dzemhanzi yangu uye vachindipa mazano ekuti handifanirwe kurasa tariro kana zvakaoma.

“Chinodiwa mumagitare umu kushinga chete uye kuramba uchishanda nesimba, ukadaro unokunda nekusvika kure, hapana chinombokutadzisa,” anodaro Phil.

Panguva iyo akambomira zvekuimba, Phil anoti aishanda ari sound engineer uye achiridza ngoma kuchikwata chababa vake.

Haasiriye ega mwana waKireni ari kuita zvemhanzi sezvo hanzvadzi yake — Esin uyo anove gotwe raKireni ari kuita Giredhi 1 — anoita zvemhanzi zvakare uye akatsikisawo dambarefu rake rekutanga.

Anoti zvemhanzi zviri mumhuri uye anofara chaizvo nekusimukira kwehanzvadzi yake.

“Zvemhanzi ndezvemumhuri nekuti ini dangwe ndini ndakatanga kutevera matsimba ababa uye hanzvadzi yangu inove gotwe iri kutoitawo zvemhanzi. Saka zvinhu zvinofadza kuti tine chinhu chimwe chatinofarira uye chinotisanganidza nababa vedu.

“Baba vanotitsigira zvikuru, dai vasipo zvimwe takasiya zvemhanzi izvi nekuti tinoziva kuti rwendo rwacho rwakaoma runoda hushingi kuti ubudirire,” anodaro Phil.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×