Zvirimwa zvotsva nekushaya mvura

Sydney Mubaiwa ari kuZAKA
MAMIRIRO ezvirimwa anonzi haana kunaka kudunhu reZaka, apo zvakawanda zvacho – zvikuru chibage – zviri kutaridza kuti zvaomerwa zvakanyanya nekushaikwa kwemvura kwenguva yakareba.Pane kuchirwa kuripo kuti chibage chinogona kuoma zvachose mudunhu iri kana mvura ikarega kunaya masvondo maviri ari kutevera.

Zaka rimwe rematunhu akasinganaye mvura zvakanaka kuMasvingo uye mvura yange ichinaya iri shoma mwaka uno izvo zvaita kuti varimi varase tariro yekuti vangawane goho rakanaka.

VaFelix Gova vanove Zaka District crop and livestock officer vanoti mamiriro ezvirimwa haana kunaka zvachose mudunhu iri.

Vanoti ongororo yavakaita inotaridza kuti zvirimwa zvizhinji zvinogona kuoma nezuva uye varimi havasisina tariro yekuti vangadyarurure kana mvura ikazonaya munguva inotevera.

“Kudyara hakusati kwatanga kune dzimwe nzvimbo, kunyanya dzinoti Benzi, Matara neChiredzana,” vanodaro VaGova.

“Nzvimbo idzi hadzina kumbobvira dzawana mvura kubva munaZvita gore rapera. KuZaka North, kunyanya wadhi 1 yeChipinda Resettlement, chikamu che30 percent cheminda inofanirwa kunge ichirimwa ndicho choga chine zvirimwa izvo zvisina kumira zvakanaka zvakare. KuZaka West, chikamu chiri pasi pe10 percent cheminda ndicho chine zvirimwa.”

VaGova vanoti dunhu reZaka rinogona kutarisana nekushomeka kwakanyanya kwezvekudya nekuda kwekusanaya kwemvura mwaka uno.

Vanoti chave kudiwa kuti varimi varime mbesa diki dzinoshingirira muzuva nekuda kwekuti mvura inonaya iri shoma mudunhu iri.

“Tiri kuzama kudzidzisa varimi kuti varime mbeu diku dzakadai semhunga, zviyo nemapfunde sezvo dzichikura nekukasika uye nekushingirira muzuva kana dzichienzaniswa nechibage, asi varimi vakawanda vachiri kungoda kurima chibage chete,” vanodaro.

Parizvino, mhuri dzinodarika 34 000 dzakatozivisa kuti dzakatarisana nenzara kuMasvingo uye dzinoda rubatsiro rwezvekudya.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *