Zvirungamutauro

Munyaradzi Gunduza

SVONDO rino tichaita chidzidzo chiri maererano nekuwedzera ruzivo rwezvirungamutauro zvakaita setsumo nemadimikira.

Muchasiirwa basa rekuita iro munofanira kutumira mhinduro dzenyu dzamunofunga kuti ndidzo dzinopindura mibvunzo iyi zvakanaka.

Vana vechikoro chete kubva pafomu 1 kusvika 4 ndimi mune kodzero yekutumira.

Unofanira kunyora zita rako, zita rechikoro chaunodzidza, fomu yauri, nhamba dzenhare yako neadhiresi yekwaunogara.

Munotumira mhinduro dzenyu panhamba dzenhare dzinoti 0714 200 007 kana 0772 491 827 kana email inoti [email protected].

Achapindura mibvunzo inobuda muchikamu chino zvakanaka kaviri kakatevedzana pamwedzi achapihwa mubairo webhuku rekuverenga.

Musiyano pakati petsumo nemadimikira

Mumatanho ekumashure makadzidza nezvetsumo nemadimikira sezvipande zvokurunga mutauro, asi pane dzimwe nguva vadzidzi pavanotadza kunzwisisa musiyano uripo pakati petsumo nemadimikira.

Unoona mudzidzi achinyora dimikira pachikamu chinenge chichidiwa tsumo nechikonzero chokuti haatozivi musiyano wezviviri izvi. Ngatimbobatsirana pachikamu chino kupatsanura zviviri izvi.

Tsumo ine zvipenga zviviri zvinodudzirana divi nedivi.

Semuenzaniso:

Mugoni wepwere, ndeasinayo.

Mwana washe, muranda kumwe.

Ukacherechedza mienzaniso iyi uchaona kuti chipenga chinouya mushure mechiturabefu chine sungawirirano nechekutanga uye chinoita kuti chipenga chokutanga chive chakatsiga.

Dimikira harina zvipenga zviviri, zvichireva kuti patinoritaura hapana patinokwanisa kuisa chiturabefu.

Semuenzaniso:

(a) kutura befu

(b) kurimirana kumuganhu

Dimikira chero rikava chirevo chakareba sei, harigoni kuiswa chiturabefu.

Basa rokuita:

Zvirevo zvinotevera zvakavhengana madimikira netsumo.

Zvino iwe chipatsanura uchiisa tsumo padzo madimikira pawo.

1. kuziva mbuya huudzwa

2. kuva nemusoro

3. kuora mwoyo

4. kukanya hurangana

5. kuturika ura pachitsiga kuti makunguwo adye

6. kumira mwoyo

7. seka urema wafa

8. kugara hunzwanana

9. kufa kwehosi inosiya imwe

10. kunonoka huvizhura

11. kuseura gotsi

12. kuzvirova dundundu

Mhinduro dzenyu dzese dzamunotumira tinodziburitsa svondo rinouya pamwe chete nemhinduro dzinenge dzichitarisirwa.

Tichadoma mudzidzi anenge ahwinha bhuku.

Kana usati wambopinda mumakwikwi aya unokurudzirwa kufambidzana nevamwe mumwedzi waKukadzi usasaririre shure semuswe.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *