Munyaradzi Gunduza
MUSEVE USINGAPOTSE
Zvisingatendeseki murungano urwu: (Tinoenderera mberi)
Kunzwa mutinhimira wehosho, ngoma nekuimba asi varidzi nevaimbi vasingaonekwe hakutendeseki. Tinozviona panoenda Mambo Chakaingesu, VaMatose naKaringe kuninga yedzinza ravo zuva rekutanga. Karinge anonzwa kudzivirwa nzeve nemaungira engoma, hosho nenziyo asi chakamushamisa ndechekuti paaicheuka haana kuona vanhu vairidza ngoma, hosho nekuimba ava.
Hazvitendeseki kuti munhu agotakura gate renyuchi dzegonera. Izvi zvinoonekwa kuna Mambo Chakaingesu vanotakura gate renyuchi dzegonera raive muninga yairadzikwa madzimambo edzinza ravo vachinorikanda panze peninga ndokutanga kuruma mauto aMambo Mupambi asi vasingarumwiwo.
Chinhu chisingatendeseki kuti nyoka ibatsire munhu kurwa hondo. Tinozviona kuna Mambo Chakaingesu vanotakura zigate raive nemhungu huru kwazvo yaigara muninga yairadzikwa madzimambo avo. Vakanorikanda kunze kweninga ndokubva rasvada Murambiwa aive mumwe wemauto aMambo Mupambi vaida kupamba umambo hwavo.
Hazvitendeseki kuti munhu ave neunyanzvi hwakapfurikidza pakurwa hondo. Tinozvijekeserwa naMambo Chakaingesu vanonzi vakarova Mhosva aive uto raMambo Mupambi nemuseve pahuma achienda mudenga sechamupupuri achidzoka ndokumugamhazve netsvimbo pahuma achibva angofa.
Tinoenderera mberi svondo rinouya.
. Zvinyorwa izvi zviri mubhuku rakanzi, Ongororo yeNhetembo neMabhuku Shona O-Level.
SHOKO HARIVHIKWI
Mubvunzo nemhinduro yesvondo rakapera
9. Kubva muna Shoko Harivhikwi Alouis T. Sagota anonyora pamusoro pedingindira rematambudziko anosangana nezvizvarwa zvemuAfrica nererayiro. Tsigira pfungwa iyi uchishandisa nhetembo mbiri padingindira rega rega. [25]
Pamubvunzo uyu munosarudza nhetembo mbiri dzinotaura nezvematambudziko anosangana nezvizvarwa zvemuAfrica uye mbiri dzerayiro. Munofanira kunyurura pfungwa dziri kuburitswa munhetembo muchipa tsigiro dzacho.
Nhetembo dzacho ndeidzi; Chinangwa muAfrica naIvayi neshanje muAfrica ndedzematambudziko anowira zvizvarwa zvemuAfrica uye Tsika dzedu mushonga naGamba chii? ndidzo dzerayiro.
Mudetembo rekutanga rinonzi Chinangwa muAfrica, nyanduri ari kushungurudzika nezvirwere zviri kutambudza zvizvarwa zvemuAfrica sepaanoti, “Honayi Africa anochema yeropa misodzi, nedenda odemba seachadetemba.” Chinoshungurudza nyanduri idambudziko rehondo nenhamo yakatarisana neAfrica iri kuita kuti ishaye chimiro chakanaka sepanonzi, “Hondo, nhamo tsvuku yomupa urombe.” Nyanduri ari kushungurudzwa nedambudziko rekushorwa nekudzikisirwa kweAfrica riri kukonzerwa nehutungamiriri hwayo husina hany’a sepaanoti, “Madzibaba muAfrica, tarirai, Africa matomupa yakawora mbiri.”
Mudetembo Ivayi neshanje muAfrica, nyanduri anonyunyuta nekunyengedzwa kunoitwa vanhu vemuAfrica nevapambepfumi vachitorerwa upfumi sepaanoti, “Kungave kudiwa rudziiko, mukaka uchikamwa?” Nyanduri anoti upfumi hwemuAfrica huri kubiwa uye hausi kuunza budiriro kwairi sepaanoti, “Ungakore sei Africa, uchingokamwa?” Nyanduri anoti nyika ino haisi kunyatsobudirira sezvo ichingori pasi peudzvanyiriri hwevaRungu sepaanoti, “Ungasvikepi Zimbabwe, uri muusungwa hwevachena?”
Muna Tsika dzedu mushonga, nyanduri anotirayira kuti muchivanhu chedu ndimo mune zvese zvakanaka sepaanoti, “Tsika dzedu munaku, mukaka usingarungwi.” Nyanduri anotirayira kuti dziviriro yezvirwere zvatiri kusangana nazvo nhasi uno iri mutsika dzedu sepaanoti, “Tsika dzedu ndiwo muti, chikwapuro chematenda.” Nyanduri anotirayira kuti chirwere cheshuramatongo chatambudza vanhu panguva ino chinorapika tikadzokera kutsika dzedu sepaanoti, “Kumuzinda kune chikwapuro cheiri denda.”
Muna Gamba chii?, nyanduri anorayira gamba achiti rirege kuita zvisina maturo nekuti rakarwa hondo, kuitira kuti vanhu variremekedze segamba sepaanoti, “Gudo guru peta muswe vakudedere vemukaka pamhuno.” Nyanduri anorayira gamba kuti ngarirege kuita hugamba pese pese nekuti hunozopedzwa nevanhu vasiri magamba sepaanoti, “Gamba chirega kuita hugamba hwako nekuti chimedzamatowo akadzipwa neganda remhuru.”
Itai tsvakurudzo dzemubvunzo unotevera:
10. Jesca Rushwaya-Marwiro anofarira kunyora nhetembo dzine ndyaringo mukati. Tsigira pfungwa iyi nenhetembo dzake shanu dziri muna Shoko Harivhikwi. [25]
Ndinokupai mhinduro yacho svondo rinouya.
. Zvinyorwa izvi zvinowanikwa mubhuku rinonzi Mhinduro Yeuvaranomwe Mabhuku neNhetembo: Shona O-Level (Revised Edition).




