Kambo kerusununguko rweZim

MUIMBI ari kusimukira, Dennis Dausi (27), uyo anozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Madzibaba Teaspoon akabura kambo katsva kekurumbidzwa zuva rakawana Zimbabwe kuzvitonga kuzere kanonzi 18 April.

Dausi anoti akaimba kambo aka nechinangwa chekutenda vose vakarwa muhondo yekusunungura Zimbabwe.

“Mukambo kanonzi 18 April ndiri kutsanangura kukosha kwakaita kuwana kuzvitonga kuzere tichitungamirwa naPresident Robert Gabriel Mugabe,” anodaro Dausi.

Anoti mukambo aka anotenda zvakare vose vakafa vachirwira Zimbabwe muhondo yeChimurenga.

“Tinotenda kune vakafira nyika ino, iye zvino tava kufamba zvakasununguka, kurima, kudya nekuenda kuchikoro. Dai pasina vanhu ava kudai tisina zvose izvi,” anodaro.

Dausi ane mamwe madambarefu aakabura ayo anopembedza Zimbabwe pamwe nehutungamiriri hwaPresident Mugabe.

“Nziyo dzangu dzinodzidzisa kunyanya vechidiki kuti vazive kuti nyika yakabva kupi uyezve nebasa rakaitwa kuti tiwane kuzvitonga kuzere.”

Kunze kwekuimba, Dausi anoitawo zvemadhirama.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×