Zvotoda mararamiro matsva

Munyori weKwayedza

NYANZVI dzezveutano dzinoti vanhu vachakunda muhondo yekurwisa chirwere cheCovid-19 ndeavo vasiyana nemararamiro akare uye vave kurarama upenyu hutsva kuburikidza nekutevedzera matanho akatarwa ekumisa denda iri.

Vachitaura vari kumuzinda weState House nemusi weMuvhuro uyu mushure memusangano weAd hoc Inter Ministerial Taskforce on Covid-19, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Senator Monica Mutsvangwa vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vararame upenyu hutsva senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Upenyu hutsva uhu hunosanganisira kupfeka masiki kana munhu achienda panzvimbo ine veruzhinji, kuita hutsanana nguva dzose nekusaita chitsokotsoko.

“Nyanzvi dzinotiudza kuti vanokunda hondo iyi ndeavo bedzi vanorarama upenyu hutsva hwekuzvichengetedza nekudzivirira kutapurirwa nekutapurira Covid-19. Ndihwo upenyu hutsva hunofanirwa kujairirwa.

“Tose ngatizvigamuchirei uye tozvitevedzevera mukurarama kwedu,” vanodaro.

Sen Mutsvangwa vanoti National Taskforce yakaona shanduko maringe nezvinokurudzirwa nesangano reWorld Health Organisation (WHO) apo mazuva anochengetwa vanhu vachiongororwa kuti vaonekwe kana vane Covid-19 akadzikiswa kubva pa21 kuenda pa14.

“Sezvamava kuziva, Covid-19 chirwere chitsva uye zuva nezuva tiri kuwana ruzivo rwutsva zvakare pamusoro pacho kuti chinodzivirirwa sei,” vanodaro.

Sen Mutsvangwa vanoti Hurumende iri kushushikana zvikuru kuti kunyangwe zvazvo paine chirongwa chemabhazi eZupco ari kutakura veruzhinji mumadhorobha nemumaguta, kune vanhu vakawanda vari kungofamba nzendo zvisina tsarukano.

“Vanhu nekudaro vanokurudzirwa kuti vafambe nzendo dzine chinangwa bedzi, uye avo vanokwanisa kurega kufamba panguva yekuti munhu wose anenge achida kufamba vanokurudzirwa kuti varege kufamba panguva dzinowanda vanhu idzi.”

Vanokurudzira zvakare veruzhinji kuti varambe vakashinga mukurwisa Covid-19 sezvo matanho ose ari kutorwa aine chinangwa chekuchengetedza upenyu.

Sen Mutsvangwa vanoti vashandi vezveutano vanoshandira munharaunda dzakasiyana dzenyika avo vanozivikanwa nekunzi vanahutsanana (village health workers) pari zvino vave kubatsira muchirongwa chekurwisa Covid-19 kuburikidza nekuongorora vane chirwere ichi uye nekutora matanho ekudzivirira kupararira kwacho.

Vanoti zvakare Hurumende iri kusimbaradza chirongwa chekupa chenjedzo pamusoro peCovid-19 munharaunda dzenyika.

Sen Mutsvangwa vanozivisisawo kuti gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika nenyaya dzevarwi vehondo yerusununguko, Cde Oppah Muchinguri-Kashiri ndivo vava sachigaro weNational Taskforce uye mutevedzeri wavo vari gurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kweruzivo rwemichina, Professor Amon Murwira.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×