George anobenenguka. . . ndokuramba kuenda kuchiptara

CHITSAUKO 6 (Nyaya yacho: Enderero mberi) Gare gare George anozobengenuka mudzimai wake kwava kuti baba vaTichaona vamhanye pachikoro

Revai airarama zvekutamburira

CHITSAUKO 4 (Ongororo; Endererero mberi) Apo Revai ainge apinda muusungwa mumusha waMambo Zindoga akange apinda panguva yakaoma izere

Hurumende yopembedza kusimudzirwa kwemutauro

KAMBANI yeZimpapers, kuburikidza nebepanhau reKwayedza, svondo rapera yakarumbidzwa zvikuru nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari nebasa rairi kuita rekusimudzira kudzidzwa kweShona muzvikoro.

Mukadzi orariswa muchimbuzi. . . achipomerwa kudanana nemukuwasha

PANE mudzimai wemuHarare ane nyaya iri kumatare uyo ari kuti aoneswa chitsvuku nemurume wake uyo anomupomera kudanana nemukuwasha zvekuti dzimwe nguva anomborariswa muchimbuzi chiri panze.

Musarere zvirwere: Manangazira . . . mimba haidarike gore, asi yenzou

VERUZHINJI vari kukurudzirwa kutsvaga rubatsiro nguva ichiripo kana vasangana nematambudziko ezvirwere zvavasinganzwisise kuitira kuti hosha dzisadingindire mumiviri yavo.

Vakuwasha vorwira mendenenzi

VAKUWASHANYINA vaviri vakaendesana kumatare apo mumwe aida kupihwa mari yemendenenzi. Lameck Manjokota akaendesa Tavengwa Tshenge kuHarare Civil Court achiti anoda mari yemendenenzi

‘Handikude, ndakamanikidzwa kukuroora’

Margaret Chendambuya MURUME wekuendeswa kudare achinzi abvise mendenenzi akati akamanikidzwa kuroora mukadzi uyu nevabereki.

Maonero Edu: Havasi vose vanokubatsira

VANHU vakawanda mukurarama kwavo vanosangana nematambudziko akasiyana-siyana izvo zvinoita kuti vatsvage rubatsiro, kungave kuzvipatara, kuchechi, kun’anga kana kumaporofita.

Handini ndiri kukonzeresa: Madzibaba

MUPOROFITA weJohane Masowe eChishanu ane sowe riri kuRotten Row, muHarare, uyo ari kupomerwa kushandisa mumwe mudzimai kuti ashinhe nenyoka nezvidhoma akaramba nyaya iyi achiti hapana zvaanoziva.

Tevedzerai zvataurwa nachiremba: Svondo

PANOTAURWA mashoko vamwe vanoteerera nekuita zvavanzwa asi vamwe vanoedza kurwisana nazvo nekuti vanenge vane zvavo zvavanobvuma kuti ndizvo nyangwe mumwoyo vachiziva kuti uku ndokupinda nemwenje

×
×