Mahachi okurudzira vamwe
ari kuMASVINGO SHASHA yemujaho wekumhanya yevechidiki, Tsitsi Mahachi (19) uyo kusvika parizvino ahwinha menduru dzinodarika gumi, anoti vana vechikoro vane matarenda mumitambo yakasiyana vanofanira kuzvirovedzera mairi
Zim yonanga Joni
CHIKWATA cheZimbabwe Karate Union chichatumira vatambi 9 avo vachanokwikwidza kumutambo weIko Kyokushinakaikan Matsushima Group World Tournament uchatambirwa kuSouth Africa mwedzi unotevera.
Kurima fodya zvine pundutso
MAVHIKI mana adarika, tanga tichitarisa pamusoro pekusarudza mbeu yekurima, mhando yevhu pamwe neenzaniso pakati pekurima kuchishandiswa mvura yekunaya neyekudiridzira.
Makuwerere kuHarare Show gore rino
SHOO yevarimi yeHarare Agricultural Show yakatanga svondo rino nemusi weChitatu apo pane tarisiro yekuti veruzhinji vachafadzwa nekuona zvakasiyana-siyana, kusanganisira vaimbi vanokwana makumi maviri nevashanu
‘Musarime mumatoro’
VARIMI nevamwe veruzhinji vakakurudzirwa kuti vasarime mumatoro nekumahombe-kombe kwenzizi sezvo izvi zvichikonzera kushomeka kwemvura yekushandisa mumabasa akatsaukana pamwe negukuravhu.
Handisi murondatsimba: Chipara
MUIMBI wesungura ari kusimukira, Tendai ‘Dotcom’ Chipara, uyo anotungamirira chikwata cheRamangwana Musica, oramba mashoko ekuti ndimurondatsimba ayo ari kutaurwa nedzimwe nhengo dzeUtakataka Express
Aa-a inyoka nhai!
PANE mumwe murume akapotsa arumwa nezimhakure rimwe gore tiri kumusha. Akatadza kuona zinyoka iri rakanga rakasimudza musoro, uye rakafutisa huro kuita sendiro. Murume uyu akanga ari pedyo nenyoka iyi
Utano hwakanaka ikodzero yemwana
MUNGUVA ino yatava kurarama, mugore ra2014, amai vese vakazvitakura vanofanirwa kuongororwa ropa kuti havana utachiona hweHIV, syphilis kana TB sezvo zvirwere izvi zvichigona kutapurirwa kumwana.
Kubika nyama yemaguru zvakavandudzwa
Kenneth Chikeya Zvinodiwa kushandisa: Poto, chikari, pani Nyama yemaguru Hanyanisi Matomatisi Dovi Munyu Mabikiro: Tora nyama yemaguru wocheka kuita zvidimbu zvakanaka, suka matomatisi nehanyanisi wocheka muzvidimbu zvidiki. Gadza poto, chikari…
Matsotsi obhadharisa ‘toll-fees’
PANE chikwata chevarume chiri kuita basa rekuvamba ma”tollgates” echikiribidi muHarare uko chiri kupota chichibhadharisa vatyairi vedzimota, kunyanya vemakombi, avo vanenge vatiza kudarika nepama”tollgates”










