Zim yonanga Joni

CHIKWATA cheZimbabwe Karate Union chichatumira vatambi 9 avo vachanokwikwidza kumutambo weIko Kyokushinakaikan Matsushima Group World Tournament uchatambirwa kuSouth Africa mwedzi unotevera.
Vatambi veZimbabwe vari kuenda kumutambo uyu vachanokwikwidza mumapoka anoti Light Weight, Middle Weight neOpen Weight uye aka kachange kari kekutanga nyika ino ichinokwikwidza.

Zvakadaro, pavatambi vemuno vari kuenda kumutambo uyu, maziso ose achange ari pana Sensei Samson Muripo uyo vazhinji vanomuziva nekuhwapura menduru dzakasiyana.

Secretary-General weZimbabwe Karate Union, Sensei Stephen Charandura, uyo achaenda kuSouth Africa ari Head of delegation wechikwata ichi, anoti vakagadzirira zvakasimba mutambo uyu.

Sensei Charandura anoti zviri kukanganisa gadziriro dzechikwata chavo kushaya vakotsveri vanokwanisa kuvabatsira nemari yekuti vaende kumutambo uyu.

Anoti parizvino sangano ravo riri mushishi kutsvaga vakotsveri vanoda kushanda navo apo vari kuronga rwendo rwavo urwu.

“Kuchange kwakaipa kuSouth Africa nekuti isu tiri kuenda ikoko nemoto wega-wega, tiri kuda kunohwina.

“Ichange iri batai munhu ikoko nekuti isu chaitiri kuendera ikoko kunotsvaga kuhwina chete.

“Asi kuti zvinhu zvedu zvitifambire tinokumbira chaizvo kuti vakotsveri vapindire vatibatsire nekutipawo mari yekufambisa kuenda kumutambo uyu,” akadaro Sensei Charandura.

Chikwata ichi chinotarisirwa kusimuka musi waGunyana 2 chakananga kuSouth Africa.

“Isu sevanhu vachange vachifamba nemabhazi tichakurumidza kusimuka nekuti tinoda kuti vatambi vedu vawane nguva yakakura yekuzorora patinosvika kumutambo uyu,” akadaro.

Vatambi veZimbabwe vari kuenda kumutambo uyu nemapoka avachanokwikwidza:
Light Weight, Phumulani Maposa, Shadreck Chigombe naTawanda Mufundisi.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×