Mahachi okurudzira vamwe

ari kuMASVINGO
SHASHA yemujaho wekumhanya yevechidiki, Tsitsi Mahachi (19) uyo kusvika parizvino ahwinha menduru dzinodarika gumi, anoti vana vechikoro vane matarenda mumitambo yakasiyana vanofanira kuzvirovedzera mairi sezvo vachikwanisa kuwana raramo mune remangwana kuburikidza nemitambo iyi.

Tsitsi akapedza chikoro paChisipite Senior School gore rakapera uye ave nemakore mana achikwikwidza kumaNational Youth games akamirira purovhinzi yeHarare.

Anoti kusvika parizvino ahwinha menduru 13 – 4 dzegoridhe, 6 dzesirivha ne3 dzebhuronzi uye anonzwa kusimudzirwa neshasha dzemujaho wekumhanya dzakadai saBlessing Okobari wekunyika yeNigeria.

“Ndinonzwa kusimudzirwa neshasha dzakaita saOkobari wekuNigeria, parizvino ndiye mumwe weshangwiti dzemakwikwi eCommonwealth Games asi ane makore 20 okuberekwa chete nekudaro  ndinoshuvira kusvika pachinhanho chaari,” akadaro Tsitsi.

Zvakadaro, akakurudzira vamwe vechidiki vanoita zvemitambo kuti vashande nesimba pamwe nekuzvipa nguva yakakwana yekugadzirira.

Tsitsi anoti kunyangwe achishuvira kuita zvemitambo muhupenyu hwake anokoshesawo dzidzo yake uye ane chishuwo chekuita dhigirii rinomubatsira kuzoita basa rehuChartered Accountant kana kuti rehuPhysiotherapist.

“Kuita zvemitambo ibasa rekuti munhu anogara hupenyu hweshoroma chaihwo kana zvikaitwa nemunhu anogona uye anoshanda nesimba nokudaro ndinokurudzira vana vechikoro kuti vasadzorerwe kumashure vachinzi hazvina maturo,” akadaro Tsitsi.

 

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×