‘Musarime mumatoro’

CDE Saviour Kasukuwere
CDE Saviour Kasukuwere

VARIMI nevamwe veruzhinji vakakurudzirwa kuti vasarime mumatoro nekumahombe-kombe kwenzizi sezvo izvi zvichikonzera kushomeka kwemvura yekushandisa mumabasa akatsaukana pamwe negukuravhu.
Kurudziro iyi yakaitwa negurukota rebazi rezvenharaunda, mvura nemamiriro ekunze Cde Saviour Kasukuwere pamusangano wavakaita nguva pfupi yadarika nemapoka akasiyana-siyana, Cde Kasukuwere vakati zvakakosha kuti veruzhinji vachengetedze zviwanikwa  zvakanaka.

“Ngatichengetedzei nharaunda, matoro, madhamu emvura nekurega kurima pedyo nazvo nekuchera-chera makomba  zvinova zviri kukanganisa mamiriro ekunze,” vakadaro Cde Kasukuwere.

“Ndinoda zvakare kuyambira avo vanoita zvemigodhi yezvicherwa kuti muri kukanganisa nzizi dzedu, kunyanya Mazowe River, mvura yeko iye zvino yaderera nekuda kwegukuravhu riri kukonzerwa nekucherwa-cherwa kumahombe-kombe kwarwo.

“Zvakare, avo vemakambani vanorasira tsvina dzinobva kumaindasitiri  munzizi regai katsika aka,” vakadaro Cde Kasukuwere.

Cde Kasukuwere vakati vatungamiriri vematunhu vakaita semadzishe, masadunhu nemasabhuku vane basa guru rekuona kuti munzvimbo dzavo nharaunda dziri kuchengetedzwa zvakanaka.

“Zvakare imwe nyaya, musapisa marara nekuti hutsi hunovhiringidza mamiriro ekunze mvura yorega kunaya ,mweya wekufema wokanganisika zvinova zvinokonzeresa zvirwere zvakare,” vakadaro.

 

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×