Makuwerere kuHarare Show gore rino

HEATHER MADOMBWE
HEATHER MADOMBWE

SHOO yevarimi yeHarare Agricultural Show yakatanga svondo rino nemusi weChitatu apo pane tarisiro yekuti veruzhinji vachafadzwa nekuona zvakasiyana-siyana, kusanganisira vaimbi vanokwana makumi maviri nevashanu avo vachange vachivaraidza vanhu kusvika yapera.

Mushandi anodyidzana neveruzhinji kusangano reZimbabwe Agricultural Show Society (ZAS), Muzvare Heather Madombwe, vakazivisa kuti kuchange kuine vaimbi vakawanda zvikuru kudarika shoo dzemamwe makore.

“Shoo yedu iri kutanga musi waNyamavhuvhu 20 ichizopera nemusi wa30, mutakunanzva chaiwo gore rino sezvo tiine vaimbi 25 vachavaraidza vanhu.

“Pamasitendi edu 780, 750 akatorwa kare nevemabhizimisi akasiyana umo vachataridzira zvinhu zvavo,” vakadaro Muzvare Madombwe. Vamwe vevaimbi vanotarisirwa kunge vachivaraidza veruzhinji vanosanganisira Oliver Mtukudzi, Winky D, Douglas Chimbetu, Peter Moyo, Soul Jah Love, Mathius Mhere, Sabastian Magacha, Painos Jaravaza naAlexio Kawara. Shoo iyi ichavhurwa zviri pamutemo nemusi waNyamavhuvhu 22 apowo nemusi waNyamavhuvhu 27 varimi vachawana mukana wekutenga mabhuru emombe akasiyana.

Vana vadiki vachange vachibhadhara US$1 avawo vakuru vachibvisa US$5 kupinda munhandare yeshoo iyi. Zvakadai, vana vechikoro vanenge vaine mbatya dzechikoro nemusi waNyamavhuvhu 22 vachapinda pachena.  Semakore ose, mafire works achange ariko zvakare. Shoo yegore rino ndeyechi104 kubva pakatanga chiitiko ichi uye yakarongwa nesangano reZAS rakabatana nereNational Economic Consultative Forum.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×