‘Tinoingwa nezvivanhu zvipfupi, zvine ndebvu’. . . zvikadzi zviri musvo

MURUME wechidiki wepapurazi reMimosa, kuMarondera, apo pakagariswa vanhu patsva, anoti akaita mazuva matatu achirwisana nezvidhoma dakara akazokuvara gumbo.

‘Varimi vemukaka vanofanira kusimudzirwa’

MUTEVEDZERI wegurukota rinoona nezvekurima nekusimudzirwa kwemadiridziro kuchikamu chekuvandudzwa kwezvipfuyo, Cde Paddy Zhanda, vanoti Hurumende inofanira kutsvaka dzimwe nzira dzinoita kuti varimi

Zifa inoda isu: Dinyero‘. . . itungamirirwe nevakambotamba’

SHASHA yakambonetsa mumutambo wenhabvu ichitambira zvikwata zvinoti Dynamos FC, Blackpool, Black Mambas neSporting Lions pamwe nemaWarriors – Masimba Dinyero – anoti kuti nhabvu yemuno ibudirire

‘Chinangwa ngachive donzvo remwanasikana’

Catherine Murombedzi Kurarama Neutachiona hweHIV “MWANASIKANA ane sarudzo yaanogona kuiita uye ane simba pamusoro pemuviri wake.” Aya mashoko akataurwa naAtupele Indira Milanzi musikana ane makore makumi maviri nemashanu ekuberekwa uyo…

‘Mushanyi Dada akashinha’…Midzimu yeNyanga yonzi yakatsamwa

MUSHANYI wekutsakatika mumakomo anoyera eMount Nyangani, kuNyanga muna Ndira wegore rino, ari kunzi nevakuru venzvimbo iyi akashinha nemudzimai wake mugomo iri izvo zvakazokonzera kuti atetereke.

Ebola nemadzimai akazvitakura

ZVISINEI nekuti chirwere cheEbola, icho kusvika pari zvino chauraya vanhu 7 000 kunyika dzekuWest Africa, chinogona kubata munhu wese, madzimai akazvitakura nevana ndivo vanowanikwa vachinyanya kushungurudzwa

Zuva iro Santa Claus anouya kupurazi

Evans S. Zininga SEMUNHU agara munzvimbo dzemapurazi kwenguva yakareba ndinozivawo zvinhu zvinoitika gore negore. Chimwe chinhu chandisingakwanise kuti chidarike ndisina kutaura nezvacho izuva reKisimusi pamwe negoredzva.

MAONERO EDU: Worera mujeri iwe zibhinya!

HURUMENDE inoti iri kutora matanho akananga kuona kuti vanobata chibharo kana kuita chingochani varangwa zvakaomarara kuburikidza nekuvandudzwa kwemutemo. Mutemo mutsva uchaita kuti vanobhinya vaworere

Under 20 Youths Games otanga

ACHANGE ari makuwerere kuBulawayo svondo rino kutanga nemusi waZvita 4 kusvika 11 apo panenge pachiitwa mitambo yeAfrican Region Zone V Under-20 Youths Games.

Opinzwa chikoro nengoma

KAKOMANA kanodzidza pachikoro cheDombodzvuku Primary School kwaMurehwa, ako kanove shasha pakuridza ngoma yeJerusarema, kakazviwanira mukana wekudzidza pachena kwegore rose nekuda kwechipo ichi.

×
×