Gerrard akapihwa imwe kondirakiti
BRENDAN Rodgers anoti Steven Gerrard akapihwa imwe kondirakiti neLiverpool. Kondirakiti yemutambi uyu, uyo aimbove kaputeni weEngland, ichapera pakupera kwemwaka uno uye anogona kusaina imwe kune chimwe chikwata
Akaita musara achera guva
MURUME aikanya zvidhinha pachuru chiri pedyo nerwizi rwaMukuvisi, kunaAmalinda kuGlen View 7, muHarare, anonzi akatanga kuita musara achirasa njere mushure mekunge afukunura guva nekusaziva.
Kuparurwa kwechirongwa chekuchengetedza chikafu
CHIRONGWA cheFood and Agriculture Organisation (FAO) neAfrica Solidarity Trust Fund (ASTF) icho chine chinangwa chekusimudzira kuchengetedzeka kwezvekudya pamwe nezvipfuyo chakaparurwa svondo rapera
Zvakanyorwa paGrade 7 zvakabuda
KANZURU inoona nezvebvunzo munyika, yeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec), svondo rino yakazivisa kuti zvakanyorwa nevadzidzi mubvunzo dzeGrade 7 gore rino zvakabuda.
DETEMBA TINZWE: Tapihwa dariro
naClement Mutimwii Takayeverwa mukombe taugamuchidzwa.
Zimpapers yakatenda vashandi
VATENGESI vemapepanhau ekambani huru muZimbabwe, yeZimpapers Group, avo vakakunda vamwe mubasa ravo mumwedzi mitatu yadarika svondo rapera vakapihwa “kari mubhokisi” apo vakaenda kudzimba dzavo
‘Babamukuru dusai mari’
Tatenda Moyo MURUME wekunzi haariritire mwana mushure mekushaya kwemukadzi wake akazoendeswa kumatare nemunin’ina wemushakabvu achida kuti abvise mendenenzi. Matilda Charuma akamhan’arira Lovemore Masisimani kuHarare
Masoja onetserana mendenenzi
Orpah Mukotekwa GAKAVA rekurera mwana pakati pemurume nemukadzi, avo vose vanoshanda muchiuto, rakazoperera kudare. Yvonne Makoni akamhan’arira Luckmore Mubaira kuHarare Civil Court achida $100 yekuchengeta mwana wavo.
A-LEVEL — MUBAIRO: Amai vaMusekiwa vanokumbira muriwo
CHITSAUKO 24 (Nyaya yacho: Enderero mberi) Panobuda Makate, amai vaTendai vanosara vachirongedza kwava kutevera vana vavo kubindu vasunga musoro pakare. Musiyiwa vanomuti adzokere kumba kunozorora musi iwoyo neramangwana racho.
Kutenderera musoro saShinsoman
MURI kumboonawo here zvandiri kuona. Kwave nevafundisi vanoparidza shoko zvekuti unotenderera musoro saShinsoman kuti tende-tende chaiko. Asi shoko ravari kuparidza rakavhengana zvekuti pakuriteerera, unoda kutobatsirwa naMwari kuti usagamuchire zvimwe zvezvinhu…





