2015: Ranga riri gore reminana

MUGORE ra2015, kune nhau dzakawanda dzakaita mukurumbira idzo dzakabuda mubepanhau revanhu, Kwayedza – dzinofadza pamwe nedzinosuwisa – uye vamwe vanoti raive gore remanenji. Svondo rino tinodzora ndangariro dzenyu kudzimwe dzenyaya idzi muchidimbu:

NDIRA:

MuSatanist akaitwa kafiramberi – Murume wechidiki wekuDomboshava, Tawanda Chinyani (32), wekubuda pachena kuti muSatanist uye kuti iye nevamwe vake vanokonzeresa tsaona vachidya nyama nekunwa ropa revafi, akarohwa zvekuitwa kafiramberi nevanhu vaanoti vaida kumuuraya.

* * *

Ndakarara nechitunha chemukadzi wangu – Murume wekuMufakose, muHarare, Francis Zhuwawo, anoti aoneswa moto nemweya wemudzimai wake mushakabvu izvo zvomumanikidza kureurura kuti akashereketa zvekuenda pabonde nechitunha chemukadzi uyu apo chainge chisati chavigwa makore mashanu adarika.

KUKADZI:

Aipfekera mukadzi kamba, omuswinya nepinjisi – Nyaradzo Musokeri (32), uyo aive nepamuviri pane mwedzi mina, anoti aigara achirohwa nemurume wake, Talent Musokera (31), uyo akapotsa amupfekera kamba mhenyu kusikarudzi yake munyaya inofungidzirwa kuti ine chekuita nekuromba. Nyaradzo anoti murume wake aimuswinya nepinjisi apo aiti aida kubvisa pamuviri paaive napo.

* * *

Mufi vhuu pamusha – Imwe mhuri yekuChitungwiza haina kana remuromo – muzukuru wayo, Jackson Chipfupa, “wekufira” kuSouth Africa makore maviri adarika, mutumbi wake ndokuzovigwa muZimbabwe – akazodzoka pamba gore rino, ari chigwindiri uye achizvifambira.

* * *

Mwana hutu neshiri – Tafadzwa Makore, kamwana kemwedzi mishanu yekuzvarwa kekuGokwe, kanonzi kakatorwa neshiri apo kainge kakarariswa mumunda vabereki vacho vachisakura, ndokubhururukwa nako kuenda mudenga kasati kadonhedzwa.

KURUME:

Kwayedza radzika mutengo – Mwedzi uyu wakafadza vaverengi vebepanhau reKwayedza sezvo, nechinangwa chekurerutsira vatengi, mutengo webepanhau rinofarirwa nevazhinji wakadzika kubva pa$1 kuenda pa50c chete.

* * *

Chitunha chakaita chimhuka – Munyaya yainzi ine chekuita nemishonga yakaipa, chitunha chemurume wekwaMusana, Claudious Muganhiri, chinonzi chakasanduka chikaita chimhuka chisinganzwisisike apo chainge chiri mubhokisi hama dzichigadzirira kuviga mufi.

KUBVUMBI:

Anogara nechiwoko chebveni – Pane mukadzi wekuBuhera, Mai Zvirevo Jerera, ange achigara nechiwoko chemhuka inonzi gwee kana kuti bunha semushonga wedivisi rinoita kuti ave nesimba rekutora zvirimwa zvevamwe muminda pamwe chete nekufoirisa vana vose vanodzidza pane chimwe chikoro cheko.

* * *

Anodaidza nyoka dzichiuya – Vagari vemubhuku raMusauki, kwaMambo Njelele, havana neremuromo zvichitevera mudzimai weko, Soline Shudas, uyo anonzi ane mweya wechikwambo unoti kana wamubata anogwesha senyoka achidzishevedza dzichiuya paanenge ari.

CHIVABVU:

Ndakadya vanhu 25 – Kasikana kane makore 16 okuberekwa kakapedza mate mukanwa mevanhu vainge vakaungana padare raMambo Zimunya, kwaMutare, apo kakadura kuti muroyi, kane mapere 10 nenyoka 10, uye imwe yenyoka idzi kakaituma kunokobora mupurisa kana kuti jinda ramambo nechinangwa chekuda kumuuraya.

CHIKUMI:

Vakazorwa tsvina yemunhu muchechi – Pane mukadzi wechidiki akasungwa nemapurisa ekuBreaside, muHarare, achipomerwa mhosva yekuzora vanhu tsvina yemunhu muchechi yeDevine Mercy Roman Catholic Church iri kuWaterfalls.

Mukadzi uyu, uyo asiri nhengo yechechi iyi, anonzi akapara mhosva inozivikanwa muchiRungu nekuti “Miscellaneous offense and theft” ndiFerbie Makarindwa (23).

* * *

Chitunha chakamuka – Vanhu vainge vakaungana parufu kwaNembudziya, kuGokwe, vakaona firimu remhara apo zvinonzi chitunha chakamuka mushure memazuva matatu munhu afa – chikabuda mubhokisi ndokukurungirwa bota chikadya, ndokuzonwa mvura chisati chanofira kuchipatara cheko musi mumwe chete iwoyo.

Rufu rwaAshel Abigail Zananda (14) rwakave chishamiso mudunhu iri.

CHIKUNGURU:

Chikwama chotaura – Murume wekuEpworth, muHarare, Tatenda Chidhakwa (26), ari kuita “kuimba” chaiko achibuda pachena kuti atambura nemazwi aanonzwa munzeve dzake asi pasina vanhu vaanenge achitaura navo zvichitevera kurasa kwaakaita chikwama chaakapihwa neimwe hama yake yepedyo apo ainge anotsvaga basa kuSouth Africa.

* * *

Ngozi tugu pagunguwo – KwaZimunya, kudunhu reMutare, kwakaitika manenji nguva yadarika apo ngozi yemwanasikana, Susan Zengeni, uyo akafa nekupondwa mugore ra1972, yakabudira pashiri yerudzi rwegunguwo ichitaura mhuri yanyakuponda zita rake zvose nemafiro aakaita.

NYAMAVHUVHU:

Ndiri mukadzi wenjuzu – Kune musikana wechidiki kwaMurambinda, Rosyline Chakanyuka, anonzi akareurura kuti anoba achishandisa shave renjuzu uye anoitwa mudzimai neimwe njuzu kurwizi rweko.

* * *

Pfambi yomera hohwa – Musikana wechidiki wemuHarare, Tarisai Batoni, uyo ari kupupura kuti anoita zvechipfambi, anoti ari kumera zvinhu – zvimwe zvacho zvinenge hohwa – kusikarudzi yake mushure mekunge ashinha nemumwe murume waasingazive “waakakecha”.

GUNYANA:

Gonzo pfacha netsamba ku’Small house’ – Vagari vekuGadzema, mudhorobha reChinhoyi, vakapera mate mukanwa apo vakaona zigonzo raive rakagukuchira tsamba yainge yakanyorwa kuti, “Lisa siyana nemurume wangu” – riri pamusuwo wepamba panoroja mumwe musikana.

Gonzo iri rinonzi rakaonekwa pamba panogara mumwe musikana akangozivikanwa saLisa (20).

GUNYANA:

Akatova chitunha – Vanhu vakagariswa patsva kuShanga, kuBeatrice, vakashamiswa apo muporofita wechechi yeJohane Masowe weChishanu, Madzibaba Mikrage kana kuti Phillimon Madhara, akaita husiku hwose achinamatira chitunha chemukuwasha wake achiti chaizomuka. Nanhasi hachisati chamuka.

* * *

Ndinorova mbanje, doro: Muporofita – Mufundisi SingLawyer Mushunje wechechi yeChiedza Apostolic Church, kuEpworth, anoti anosvuta mbanje, kunwa doro pamwe nekudya nyama mbishi. Mufundisi uyu anotizve anosunungutsa madzimai anenge akazvitakura.

GUMIGURU:

Vodzurwa mazino kumasowe – Muporofita wekuChitungwiza, Madzibaba Charles Ngoro, ari kuita zvinotyisa – anodzura varwere mazino musango achishandisa mawoko ake pasina kana dziviriro yekutapurirana hosha.

MBUDZI:

Muroyi akadonha pabere – Imwe mhuri yekuChigori, kuMacheke, yakava nekushamiswa kukuru apo yakafumoona chembere yaiva iri musvo pachivanze chemusha iyo yaizviti muroyi uye yakange yadonhedzwa nevamwe vayo pabere ravainge vakatasva.

* * *

Makore 31 akazvipfigira mumba – Harahwa yepapurazi reBell-Inn, kuNyabira padyo neHarare, yakagumisira kubuda mumba mainogara makore 31 adarika – muna 1984 – sezvo murume uyu achigara akazvivharira mukamba kadiki-diki, umo maanodyira zvose nekuitira tsvina.

Sekuru John Chare vanonzi vakatanga kugara vakazvivharira mugore ra1984.

ZVITA:

Tinoponesa mafundisi: Pfambi – Chikwata chevanhukadzi vanoita zvechipfambi kuMt Darwin chinoti chinoda kuwaniswa mukana wekuti chidzidzise veruzhinji, zvikuru kumachechi, pamusoro peHIV neAids nekuti chinoti nhengo dzacho dzine ruzivo pamusoro pedenda ranetsa iri. Vakadzi ava – avo vanotungamirirwa naSylvia “Saddam” Kandeya kana kuti “Dispo” – vanoti kune mafundisi nemafata (mazita vanawo) vari “kuponera” kwavari kana pari panyaya dzepabonde.

* * *

Muchidimbu, kana pari pakupakurirwa nhau dzinofadza, dzichidzidzisa pasina tsvete kana kutya, vaverengi veKwayedza vakawana zvakavagutsa mugore ra2015. Ndokusaka pasina akashamisika nazvo apo Kwayedza rakabuda muongororo dzeZamps riri rimwe remapepa ari pamusoro anopa vaverengi nevashambidzi chaizvi zvavanoda. Mupepeti nevashandi veKwayedza vanokuvimbisai zvinodarika izvi muna2016. Nakirwai!

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×