GURUKOTA reHurumende rinoona nezvedzidzo, Cde Josiah Hungwe, vanoti bazi ravo riri mushishi kushanda nemamwe mapazi nemapoka akatsaukana nedonzvo rekusimudzira zvidzidzo zvemabasa emawoko izvo zvakakosha zvikuru mubudiriro yenyika.
Vakataura mashoko aya nguva yadarika mudare reSenate apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weMidlands mudare iri, Senator Lilian Timveos avo vaida kuziva zvaitwa nebazi iri mukusimudzira dzidzo yemabasa emawoko.
Cde Hungwe vakati bazi ravo rinoshanda nemamwe mapazi eHurumende mukuzadzikisa zvinangwa zvaro zvekusimudzira zvidzidzo zvemabasa emawoko.
“Mukuita izvi tiri kushanda pamwe chete nemamwe mapazi eHurumende akaita seedzidzo yepuraimari nesekondari, bazi redzidzo yepamusoro, sainzi nekusimudzirwa kwemichina, rezvekurima nerioona nezvezvicherwa,” vanodaro.
“Tiri mushishi yekutsvaga nzira dzekuti tingazadzikise sei zvishuwo zvedu uye nguva yadarika takaita musangano nemasangano akasiyana emuno neekunze kwenyika anosanganisira UNESCO apo taikurukura pamusoro penyaya iyi.
“Avo vanoda kuita mabasa ekuvaka vanofanira kudzidziswa, vanoda kurima vanoda dzidziso zvakare pamwe nevanoda kutyaira ndege. Tine zvakawanda zvatiri kuzama kuita.”
Vakati donzvo rebazi ravo nderekuti vanhu vange vachikwanisa kuita mabasa emawoko izvowo zvinobatsira mubudiriro yenyika.
“Tiri kutarisa sezvakaita, semuenzaniso, kuti kuDomboshava munhu wose anoziva kuti kunorimwa matomatisi ayo anozotengeswa kumusika weMbare. Pfungwa yatinayo ndeyekuti pave nemichina inovandudza matomatisi aya kuDomboshava kuburikidza nekugadzira zvakasiyana kubva maari. Havafaniri kuunza matomatisi avo kuHarare akadaro asi kuti zvose zvinofanirwa kuitwa ikoko,” vanodaro Cde Hungwe.
“Tinoda kuti kuMbare kuitwe zvimwe zvinhu, saka zvinhu ngazvitange ikoko. Tiri kutarisa sezvakaita kupurovhinzi yeManicaland, semuenzaniso, kuti tingatange sei mabasa emawoko aya.
“KuManicaland vanoita zvemabanana nezvimwe zvakadaro uye kune nzizi saka tinofanira kutanga tatsvaga nzvimbo dzekuitira izvi.”
Cde Hungwe vanoti zvakakosha kuti bazi ravo ritange ratsvaga nyanzvi dzinokwanisa kudzidzisa mabasa emawoko aya.
“Chinangwa chedu chikuru ndechekuti vanhu vave nemabhizimisi avo, vakazvimirira kana kuti avanoita senharaunda,” vanodaro.



