Anonamatira vakadzi vari musvo
MAPOROFITA maviri ekuHopely, muHarare, mumwe wacho anonzi anonamatira vanhukadzi vari musvo, vakarwa zvekusvika pakuburitsira mapanga pamasowe vachipomerana kushandisirana mishonga inosanganisira kuitira tsvina
Ndakamboita chipfambi: Mukadzi wemunhu
VANHU vaive mudare vakashamiswa apo mumwe mukadzi akaroorwa akadura kuti akamboita gumbo mumba, gumbo panze ndokuzozvirega, zvisinei nekuti murume wake ari kugara achimuzvamburira nyaya iyi.
Kurimwa kwefodya kwodzikira
MINDA yefodya yakatandavara mahekita 28 763 yakarimwa mumwaka uno wa2015 kusvika 2016 zvinorakidza kuderera kana zvichienzaniswa nemwaka wapera apo paive pakarimwa mahekita 36 025.
Rakatanga riri bundu l Atambudzwa nezinyama riri paziso
MUKADZI wechidiki wepapurazi reMendry kana kuti kuBonongwe, kuMarondera, otambudzwa nechirwere chaasingazive, chezinyama rakamera mumusoro make iro rave kuvhara ziso rake rekurudyi. Nekuda kwedambudziko
MAONERO EDU: Farai, muzive kuti kuna mangwana!
NGUVA iya inofarirwa nevanhu vakawanda yezororo reKisimusi neGoredzva yazosvika zvino. Kunzvimbo dzose dzenyika kunenge kusingadanwe anonzwa apo veruzhinji vanenge vachipemberera.
Handikundikane: Mawiwi
MURAIRIDZI wechikwata cheDSTV Rangers, Bigboy Mawiwi, anoti anotenda Mwari nekuda kwechipo chaanacho chekuti chikwata chose chaanorairidza chinenge chiri muDivision One chinopedzesira chapinda muPremier Soccer
Varimi vofarira kunaya kwemvura
VAMWE varimi vemuguta reHarare vakatambira nemufaro mukuru kunaya kuri kuita mvura sezvo zvirimwa zvavo zvakange zvave kukanganisika nekuda kwezuva iro raive ranyanya kupisa nguva yadarika.
‘Ndakanzi ‘hallo’ nechipoko’
MUKADZI wekuWaterfalls, muHarare, akarohwa nehana zvikuru nguva pfupi yadarika apo akasangana nechipoko chemunhu ainge achangobva mukuvigwa munzvimbo yavo icho chakange chakadengezera gonhi rekuvharisa pamba
Muridzi wemba panze, Roja richigara mumba
VAKADZI vaviri vekuDzivarasekwa Extension, muHarare, avo vose vanove nhengo dzeimwe co-operative inovakira veruzhinji dzimba, vatsvukisirana maziso vachirwira imba yavanoti vose ndeyavo.
Shanduko yeGrade 7: Vabereki, vana votaura
VABEREKI nevadzidzi vanogashira zvakasiyana danho rakatorwa nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari rekuti zvidzidzo zviri kunyorwa pabvunzo dzeGrade 7 dzeZimbabwe School Examinations Council zviwedzerwe kubva











