Maponderwo akaitwa mwana…‘Ndakatanga ndamudhakisa nekachasu’
MUFUDZI wemombe Tafadzwa Shamba — uyo akasungwa nemhosva yekuponda mwana anonzi Tapiwa Makore (7) kubhuku raMakore, kwaMambo Mangwende, kwaMurehwa, ndokucheka-cheka nhengo dzemuviri wake dzinosanganisira musoro, makumbo nemawoko — anoti akatanga adhakisa mwana uyu nekachasu asati amuuraya.
Mapurisa vovhima n’anga
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) vanoti vari kutsvaga nemaziso matsvuku Tsikamutanda (n’anga) uyo anonzi ndiye akapihwa musoro wemwana akapondwa nemufudzi wemombe kwaMambo Mangwende, kwaMurehwa.
Vomhanya kudzosera mushonga wekuromba…apa n’anga yacho yakafa
VAGARI vekuMakuni, kuRushinga, svondo rapera vakasara vasina neremuromo apo mutumbi weimwe n’anga yeko — iyo yakafa nekurwara — wakangotorwa pamusha payo kaverevere ndokunovigwa pakati pehusiku kusina anoziva.
N’anga yakabvutirwa ‘simbi’ dzebasa…yakundikana kubhadhara pfambi
N’ANGA yechidiki yekuInyathi, kuMatabeleland North, inonzi yakatorerwa bhegi rayo rainge rizere hakata, mishonga nemimwe midzoyo yebasa rayo nemumwe mukadzi anoita basa rekutengesa muviri apo sangoma uyu akaramba kumubhadhara mari mushure mekusasana vose.
Akayamwiwa na’driver’
MURUME anogara mumusha weGlen Norah A, muguta reHarare, akakonwa nemhosva mudare reChitungwiza Magistrates’ Courts nemhosva yekuyamwa mazamu emumwe musikana waanoshanda naye pasina kuwirirana apo vaiva mukombi yebasa achimuperekedza kumba usiku.
Vatori venhau vorumbidzwa
VATORI venhau vanoshandira masangano akasiyana nemusi weMuvhuro uno vakapihwa mibairo yekugona kunyora nyaya dzine chekuita nemhirizhonga yemudzimba mumakwikwi anotsigirwa nesangano reMusasa Project neUNFPA pasi pechirongwa cheSpotlight Initiative. Vatori venhau vakaita kunge vachabata denga nemufaro ndokudzokera kumba nemibairo yemari.
Akasungwa pamasowe
MUDZIMAI wekwaSeke akanosungirwa nemapurisa pamasowe apo aishandirwa mushure mekunge areurura kumuporofita kuti akaponda murume wake anga ari sabhuku mudunhu iri nekuda kweshanje dzekuti aidanana nemumwe mukadzi wemunharaunda.
Ramangwana rirongere
MUTUNGAMIRI wesangano reNational Athletics Association of Zimbabwe, Tendayi Tagara (kuruboshwe), anoti kuuya kwechirwere cheCovid-19 kwapa chidzidzo chikuru kune vanoita zvemitambo yakasiyana uyewo neveruzhinji chekuti zvakakosha kurongera remangwana.
JUST IN: Malawian President visits the Heroes Acre
Visiting Malawi President Lazarus Chakwera is at the National Heroes Acre where he has paid a wreath at the tomb of the unknown soldier.
Chidzambwa orapwa muchipatara
SHASHA yakambonetsa ichitamba nhabvu kuchikwata cheDynamos nechikwata chenyika chemaWarriors Misheck Chidzambwa iri muchipatara parizvino umo iri kutarisira kuvhiiwa bundu (lump) iro inonzi yakaita mudumbu mayo.











