Vomhanya kudzosera mushonga wekuromba…apa n’anga yacho yakafa

Kingstone Mapupu

VAGARI vekuMakuni, kuRushinga, svondo rapera vakasara vasina neremuromo apo mutumbi weimwe n’anga yeko iyo yakafa nekurwara wakangotorwa pamusha payo kaverevere ndokunovigwa pakati pehusiku kusina anoziva.

Vanhu vainge vakaromba mishonga nedzimwe mhiko kun’anga iyi vanonzi vari kuita chipatapata kunodzosera zvinhu zvavainge vakapihwa.

N’anga Everisto Nhete Chiyokoto (70) inonzi yakafira pamusha payo svondo rapera mushure mekurwara kwenguva pfupi uye mutumbi wayo wakazovigwa husiku.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Inspector Milton Mundembe, vanotsinhira nezverufu rwen’anga iyi.

“Sekuru Chiyokoto avo vaigara kuNyatsato, kuRushinga kudivi reZimbabwe pamuganhu wenyika ino neMozambique vakashaya mushure mekurwara. Vaivawo nemumwe musha kwaMambo Meki Kalopola, kuTete, kudivi reMozambique semunhu anga aine madzimai akawanda.

“Semapurisa, shoko rekufa kwavo takaziviswa zvose nekurwara kwavo, asi chirwere chacho hatina kuchiziva,” vanodaro Insp Mundembe.

Vanotsinhira kuti n’anga iyi yakavigwa husiku.

“Mutumbi waSekuru Chiyokoto, avo vanonzi vaiita masaramusi, wakatorwa husiku nevakuru vemunzvimbo iyi uye unonzi wakanovigwa kumapako anoyera. Isu hedu hatina kuzozvitevedza zvakanyanya,” vanodaro Insp Mundembe.

VaChristopher Karawanda (45), avo vaishanda naSekuru Chiyokoto, vanotsinhirawo.

Insp Mundembe

“Sekuru Chiyokoto vakarwara ndokufa, asi kwavakanovigirwa isu vechidiki hatikuzive, tinongoti kune kwavakanozorodzwa nevechikuru. Midziyo yavo yavaishandisa zvichiripo pamusha uye kuchaonekwa kuti ndiyani achatora nhaka yavo nekuti mudzimu wemumusha uchatsvaga paunoenda,” vanodaro VaKarawanda.

N’anga iyi inonzi yaiva nemadzimai mashanu nevana vanodarika makumi matatu nevazukuru vakawandawo.

Mwedzi wadarika, zvinonzi n’anga iyi yakashevedzera munharaunda yeRushinga nekuMt Darwin nekuMozambique kuti vanhu vayakarombesa zvinhu vaifanirwa kuzvidzosa zvose izvo zvinonzi vamwe vaimhanya kunodzosera isati yafa, asi vamwe vakazoenda ndokuwana n’anga iyi yava chitunha.

“Ichokwadi, sekuru (Chiyokoto) vakafambisa shoko kuvanhu vavo munyika muno nekunze vachiti vadzose mishonga nemhiko zvavakavapa. Vamwe vakauya asi vamwe havana. Avo vari kuuya vari kutambirwa vachidzosa zvinhu zvakasiyana zvidhoma kana nyanga,” vanodaro VaKarawanda.

Vanoti vanhu vakasununguka kudzosa zvinhu izvi vachionana nemhuri yakasara voudzwa zvekuita apo vanobvisiswa muripo.

“Zviya zvamainzwa kuti vanhu vari kutorerwa mombe naSekuru Chiyokoto handizvo, vaitobvisa voga semuripo wekutenda uye zvavainge vasisade vachizvidzosa.

Kwayedza yakamboshanyira Sekuru Chiyokoto mugore ra2018 kuTete, kuMozambique uko vatori venhau vakatambirwa nehangaiwa dzaisavhunduka vanhu pamuganhu weHilla Border Post dzichizara mumota nepamusoro kuchinzi kwaiva kutambirwa nemashavi en’anga iyi.

Vatori venhau ava vakaperekedzwa nehangaiwa idzi mota ichifamba, dzimwe dzichibhururuka nepamusoro kunosvika pamusha wen’anga iyi.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×