Mapurisa vovhima n’anga

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) vanoti vari kutsvaga nemaziso matsvuku Tsikamutanda (n’anga) uyo anonzi ndiye akapihwa musoro wemwana akapondwa nemufudzi wemombe kwaMambo Mangwende, kwaMurehwa.

Mutumbi waTapiwa Makore (7) wakanhongwa svondo rapera usina musoro, maoko, makumbo zvose nemagadziko.

Mwana uyu anonzi akatorwa nemadzuramwoyo achirindira bindu revabereki vake ndokubva anopondwa.

George Kandiyero

Tafadzwa Shamba naTapiwa Makore (Snr) (57) uyo anova babamukuru kumwana uyu vakatosungwa nekuda kwenyaya iyi. Shamba mufudzi wemombe waTapiwa Makore (Snr)

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti nyaya iyi iri kufambira mberi nekuferefetwa.

“Nyanzvi dzedu dzemapurisa dziri kuferefeta nyaya iyi, uye tine vanhu vatakasunga nekuda kwekupondwa kwemwana Tapiwa Makore nechinangwa chekuchekeresa. Musoro wemwana uyu hausati wawanikwa uye unonzi wakaendeswa kun’anga (tsikamutanda) iyo tiri kutsvaga nemaziso matsvuku,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Masangano anomirira machiremba echivanhu anoti reZinatha nereZimbabwe National Practitioners Association (ZINPA) anoshora nyaya dzekuchekeresa.

VaFriday Chisanyu

VaGeorge Kandiyero vanova mukuru wesangano reZinatha vanoti, “Vanhu vanoita zvakadai ndanatsikamutanda, mari kana kuti upfumi hazviuye nekudeura ropa kana kuchekeresa, asi zvinobva mukushanda nesimba.”

Vanotsinhirwa naSekuru Friday Chisanyu vanova mukuru weZINPA vachiti mabasa akaipa kudai vanosvibisa machiremba echivanhu.

Related Posts

Dzinza rekwaChivero raungana kuita bira

    Kingstone Mapupu APO nyika ino nevanhu vemarudzi akasiyana-siyana vakapemberera tsika dzavo muchirongwa chinoitwa mumwedzi waChivabvu gore negore, vedzinza rekwaChivero vakazoita izvi mukupera kwesvondo apo vaive nebira remhuri yose…

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×