2020 handidi kufunga nezvake

Abel Ndooka SHASHA yetsiva nenhabvu yechidzimai — Patience Mastara — anoti gore ra2020 anoda kuchimbidza kukanganwa nezvaro nekuti akarasikirwa nemikana mizhinji zvichitevera kumiswa kwakaitwa nyaya dzemitambo pasi rose senzira yekurwisa…

Zviri mugapu: Ravira zondo riri mubhinzi

naMuchaneta Chimuka MAZONDO mudya ndakasungwa chaiwo kana achinge abikwa zvine unyanzvi uye muusavi uhu mune mapuroteni ayo anosimbisa nekuvaka muviri nekurwisa zvirwere.  Svondo rino, Rumbidzai Zulu wekuChinhoyi anotsanangura mamwe mabikirwo…

Murume orambirwa kuburitsa ‘munhuwi’

Gibson Mhaka MUDZIMAI wekuBulawayo anonzi akasvika pakutiza imba zvichitevera kufinhurwa kwaaita nekatsika kemurume wake kekuburitsa mweya unonhuwa zvikuru zvekuputira imba yose. Izvi zvakabuda mudare reBulawayo Civil Court apo Pamela Sibanda…

Vaviri vakafa nekuzvisungirira

Kingstone Mapupu MAPURISA ekuMashonaland Central vanoti vari kushushikana nenyaya dzevanhu vari kuzviuraya nekuzvisungurira mudunhu iri. Izvi zvinotevera kufa kwevarume vaviri vemudunhu iri mushure mekunge vazvisungirira. Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kuMashonaland…

Rwisai corona zvose neHIV

Muchaneta Chimuka MUTEVEDZERI wemutungamiriri wenyika Vice President Constantino Chiwenga vanoti chirwere cheCovid-19 chadzosera kumashure budiriro yange yavepo mukurwisa HIV neAIDS nekudaro zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachitevedzera matanho anomisa kupararira kwedenda…

Madungwe murwere, itsotsi

Kingstone Mapupu  VAKURU vemachechi emuno nenyanzvi dzezvechivanhu vanoti mashoko ari kutaurwa naProphet Talent Madungwe — uyo anogara achiti anoshanyira Mwari paadira nekuita hurukuro uye nekuseva mundiro mumwe chete naye —…

UNZAI JEKISENI RECOVID-19. . . ‘Vanhu vongofa here?’

Muchaneta Chimuka PANGUVA iyo Hurumende yasvika padanho repamusoro rekuona kuti mushonga wekudzivirira chirwere cheCovid-19 (vaccine) unge uchizowaniswa kuvanhu vemuno mugore riri kutevera, veruzhinji vari kugashira nemaoko maviri danho iri vachiti…

Byo yotungamira pavana vamitiswa

Thandeka Moyo-Ndlovu KOMITI yedare reParamende inoona nezvedzidzo yepuraimari nesekondari inoti dunhu reBulawayo rine vana vechikoro vakawanda vakaita pamuviri panguva yekunzi veruzhinji vagare kudzimba nekuda kweCovid-19 (lockdown) uye kana pakasatorwa matanho…

Maonero edu: Ngwarirai tsaona dzinouya Zhizha

MVURA pari zvino iri kunaya zvikuru kunzvimbo dzakawanda dzenyika izvo zvinoreva kutanga kwemwaka weZhizha uye varimi vari mubishi kudyara mbesa nekuita mamwe mabasa anofambirana nekurima. Kunaya kuri kuita mvura iyi…

Zvitupa zvenyu zvakawanikwa

Kingstone Mapupu CHIKAMU chemapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) chinodyidzana neveruzhinji pakamba yeBudiriro, muguta reHarare, chinozivisa kuti vanhu vane mazita anotevera avo vakarasa zvitambi zvavo zvekutyaira motokari vaende kunozvitora pakamba iyi…

×
×