Zvitupa zvenyu zvakawanikwa

Kingstone Mapupu

CHIKAMU chemapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) chinodyidzana neveruzhinji pakamba yeBudiriro, muguta reHarare, chinozivisa kuti vanhu vane mazita anotevera avo vakarasa zvitambi zvavo zvekutyaira motokari vaende kunozvitora pakamba iyi nenguva dza8am kusvika na4pm nemusi weMuvhuro kusvika Chishanu. 

Kamba iyi inowanikwa panosangana mugwagwa waWillowvale naPatrenda Way.

Constable Teveraishe, avo vanoona nezvekudyidzana kwemapurisa neveruzhinji pakamba iyi, vanoti mazita evanotevera ndeevanhu vakarasa zvitupa zvavo zvekutyaira izvo zvakawanikwa. 

Lazaro Tadeous Courage, Muzondo Phillimon, Kugara Elliot, Masenja Garikai, Mutyiri Emanuel T, Mamutse Talent, Muzhizhizhi Tapiwa, Nyamhunga Richard, Katiyo Kuimba, Kumadiro Steven, Taremedzwa Lucy, Zvegona Tatenda, Hlupeni Phillip Munodyazve naKamba Itai. 

Vamwe ndevanoti Mugwara Tonderai Mthulisi, Chakamanga Talent, Laida Yusuf, Tagwireyi Isaac, Tawanda Fata, Chiwawa Greater, Mudzingwa Ernest, Musarurwa Bigboy naBure Malvin.

Vane mazita aya vanogona zvakare kuridza nhare dzinoti 0774 191 796 votaura naConst Teveraishe avo vari kuvakurudzira kuti vasatye kana kuzeza kusvika pakamba yavo kuti vazotora zvitambi zvavo.

Related Posts

Dzinza rekwaChivero raungana kuita bira

    Kingstone Mapupu APO nyika ino nevanhu vemarudzi akasiyana-siyana vakapemberera tsika dzavo muchirongwa chinoitwa mumwedzi waChivabvu gore negore, vedzinza rekwaChivero vakazoita izvi mukupera kwesvondo apo vaive nebira remhuri yose…

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×