Votenga mabhuku nekurima

Daphne Machiri —
CHIKORO cheChawarura Secondary School chiri kuMuzarabani, kudunhu reMashonaland Central, chiri kubatsirika zvakanyanya nezvidzidzo zvekurima sezvo chava kukwanisa kutenga mabhuku ekuverenga nezvimwe zvakasiyana kubva pamari inenge yawanikwa mushure mekutengesa mbesa.

Muhurukuro neKwayedza, mumwe wevadzidzisi pachikoro ichi, Mai Tecla Chireyi, vanoti vava nemakore anosvika 14 vachiita zvidzidzo zvekurima.

“Vana vepano kubva Form 1 kusvika Form 4 vanosvika 500 uye tiri kuita zvidzidzo zvekurima izvi takanangana negwaro idzva refundo, reNew Cirriculum, pamwe nechirongwa cheHurumende chekuvandudza upfumi hwenyika kuburikidza nemabasa ekurima, cheZim-Asset,” vanodaro Mai Chireyi.

Vanoti kunze kwekuwana mari yekusimudzira chikoro chavo, vadzidzi vavo vanobatsirikanawo neruzivo rwemabasa emawoko izvo zvinogona kuzovawanisa raramo mune remangwana. “Tinorima pamwe nekutengesa zvirimwa zvinosanganisira chibage, macabbage, beetroot, matomatisi nemiriwo yakasiyana. Vana vechikoro ndivo vanorima, goho racho tozotengesa.

“Pamari yatinowana tinotengesa mabhuku ekuverenga nezvimwe zvekushandisa pachikoro semapadza, zvekudiridzisa, mbeu nefetereza,” vanodaro.

Mai Chireyi vanoti vagari vemunharaunda yavo vari kuvatsigirawo zvikuru nekutenga zvinorimwa pachikoro pavo.

“Vabereki vevana vedu vari kutisimudzira zvakanyanya nekutenga zvirimwa zvedu nekupawo vana mbeu dzakaita sedzemuriwo kana tisina,” vanodaro.

Mai Chireyi vanoti vane hurongwa hwekuita makwikwi ekurima nezvimwe zvikoro zvemudunhu ravo munguva inotevera.

“Donzvo remakwikwi aya ndere kuvandudza dzidzo mune zvekurima nekuratidzana matarenda sezvikoro zvinova zvichasimudza zvidzidzo kusanganisira kuchengetwa kwezvipfuyo,” vanodaro.

Vana vepachikoro pavo, vanodaro Mai Chireya, vari kubudirirawo zvinofadza mubvunzo dzavo dzeAgriculture.

“Mugore ra2015 vana vakapasa Agriculture nechikamu che78%, muna 2016 taiva pa83% uye gore rino tinotarisira kuenda pa100%. Hatisi kumira, zvidzidzo zvemabasa emawoko ngazvisimudzirwe muzvikoro,” vanodaro.

Zvidzidzo zvemabasa emawoko ndezvimwe zvinokosheswa pasi pegwaro idzva rekuvandudza dzidzo, reNew Cirriculum.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×