$5 000 vatyora mutemo we’curfew

Muchaneta Chimuka

VARUME vana vekuChitungwiza vakamiswa pamberi pedare reko nemhosva dzekutyora mitemo ine chekuita nekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 (lockdown) zvichitevera kusungwa kwavakaitwa munguva yemanheru vachingombeya muZengeza.

Delayed Danga (25) wepanhamba 2530 Unit A, Tatenda Marova (23) wepanhamba 59 Dengu Zengeza 1, Jairos Chigeda (40) — uyo asina pekugara panozivikanwa — naArtwell Magaya wepanhamba 15 Rukumbati Zengeza 3 vose vanobvuma mhosva dzavo apo vanomiswa pamberi pemutongi Tinashe Tashaya wedare reChitungwiza Magistrate’s Courts.

Vakapihwa chirango chekubhadhara faindi ye$5 000 pamumwe nemumwe wavo uye kukundikana kwavo kubhadhara mari iyi vachapika mujeri kwemazuva 40.

Muchuchisi Lawyer Katonha anoudza dare kuti nemusi wa9 Ndira nenguva dza8:30 husiku, varume vana ava vakasungwa nemapurisa kuZengeza mushure mekunge vatyora mutemo unorambidza veruzhinji kufamba nguva dzehusiku (curfew).

Vakatongwa pasi pemutemo weLockdown (Failure to Observe Covid-19 Regulations Restrictions As Defined in Section 51 1a/21 of the Curfew Regulations Act).

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×