Takamirira kupera kweCovid-19: ZSA

Abel Ndooka

SANGANO reZimbabwe Softball Association (ZSA) rinoti pari zvino harina pfungwa dzekudzora mutambo uyu nedonzvo rekuchengetedza vatambi kubva kunjodzi yekutapurirwa chirwere cheCovid-19.

Muhurukuro neKwayedza, mutungamiriri weZSA —Stonard Mapfumo — anoti sangano ravo riri kukoshesa kutevedzera mitemo yakaiswa neHurumende yekuti vanhu vasaungane senzira yekurwisa kupararira kwechirwere ichi.

“Isu seZSA tiri kukoshesa zvikuru mitemo yakaiswa neHurumende yeCovid-19 nekuti hatisi kuda kuti mangwana tizosare nemutoro mukuru kana vatambi vedu vazhinji vabatira denda iri.

“Hatisi kuda zvinozotinetsa saka chinhu chikuru panguva ino ndechekuti vanhu vange vakachengetedzeka vasabatire Covid-19,” anodaro.

Chero zvazvo achiti vari kumbomira kuronga mitambo yesoftball, Mapfumo anoti zvikwata zvavo zvinofanirwa kugara zvakarongeka kuitira panozonzi mitambo ngaichitange kutambwa.

“Iye zvino tiri kukurudzira zvikwata zvedu kuti ngazvigare zvakarongeka, zvione kuti mabhuku azvo ari mugwara chairo uye vachitsvaga vakotsveri nemari dzekuti vazoendesa vatambi vavo kunovhenekwa kuti havana here Covid-19.

“Ndiyo nguva yacho yekuzvigadzirisa nekuti hatizodi kuti pamberi apo kana tapihwa mvumo yekuti tichitanga kuronga mitambo nekukwikwidza, vanhu vochitanga kumhanya-mhanya ipapo kugadzirisa mabhuku avo.

Mabhuku ngaagare ari mugwara nekuti isu hatina kuvhara mahofisi,” anodaro Mapfumo.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×