Muchaneta Chimuka
SANGANO reJudith Charity Foundation Trust riri kubatsira vana 100 vanotambura vepachikoro cheMupfurudzi Primary School, chiri kuShamva, nemari dzechikoro uye mabhindauko anovayamura kuti vange vachienderera mberi nedzidzo.
Vadzidzi ava vari kuyamurwa nezvekushandisa mudzidzo yavo zvakaita semabhuku, zvekunyoresa, mayunifomu nezvekudya.
Pamusoro pezvo, vari kubatsirwa mukuita mabhindauko anovawanisa chouviri sekupfuya nguruve nehuku, kurima chibage nebhinzi.
Nherera idzi dzinosanganisira vana vanogara voga nedzinorarama neutachiona hweHIV dziri mumagwaro anobva paGrade 1 kusvika 7.
Mukuru wesangano iri, Mai Judith Mutekede, avo vanove murapi kuchikamu chinoona nezvevana (paediatric nurse) vari zvakare murairidzi wekuchikamu cheEarly Childhood Developmenment (ECD), vanoti vane moyo wekubatsira vanotambura.
Vanoti iyi inhaka yemusiidzanwa sezvo vabereki vavo, avo vakashaya, vakange vachiita mabasa mamwe chete aya ekubatsira vanotambura.
“Mumakore apfuura, ndaive kumhiri kwemakungwa uko ndakanoita mabasa akawanda aive nechekuita nekubatsira vanotambura. Ndiri kushanda kudaro, ndakapindwa nemweya wekuti ndinofanira kuita zvimwe chetezvo kunyika kwangu. Ndiko kusaka ndakauya ndikatanga sangano iri.
“Zvakare, vabereki vangu avo vave vashakabvu, vaivewo vanhu vaibatsira nherera dzemunharaunda mavo vachidzipinza chikoro,” vanodaro.
Mai Mutekede vanoti vari kutarisira kuzoitira vanhu vari munharaunda iyi mabhindauko ekuchengeta zvipfuyo kuti vange vachiwana mari yekuendesa vana kuchikoro.
“Tinoda zvakare kutsigira vabereki kuti vawanise vana vavo magwaro ekuzvarwa nenzira iri nyore nekuti takaona kuti ndiro rimwe dambudziko guru riri kutadzisa kuti vamwe vange vachiwana nzvimbo muzvikoro. Tine shungu dzekuti mwana wose aende kusekondari nekutsigira nyaya dzemitambo muzvikoro uye kupangwa kwemazano kuvadzidzi.”
Mai Mutekede vanoti zvisinei nebasa guru ravari kuita mukusimudzira dzidzo, vari kusangana nematambudziko evana vari kurovha chikoro zvisina tsananguro dzizere uye vamwe vacho vari kusiira chikoro panzira.
“Rimwe dambudziko ndere vana vanofamba nzendo refu vachienda kuchikoro. Zvakare varairidzi vanofanira kuwaniswa dzidziso maringe nemachengeterwo anofanira kuitwa vamwe vadzidzi vanenge vari kurarama neutachiona hweHIV kuitira kuti vasashungurudzike zvakanyanya,” vanodaro.
Vanoti vari kutarisirawo kuzobatsira zvimwe zvikoro kana vachinge vawana rubatsiro kune vatsigiri vavo.




