739 vaita kuuya neCovid muZim

Tandayi Motsi

KUSVIKA nemusi weChipiri, Zimbabwe yange yava nevanhu 1 064 vawanikwa vaine Covid-19 mushure mekuvhenekwa uye pavanhu ava, vakawanda vavo – 739 – vakabva nechirwere ichi kunze kwenyika.

Vazhinji vevanhu vawanikwa vaine Covid-19 muno ndevanenge vadzoka vachibva kumatunhu anosanganisira kuAsia, America nemuAfrica apo South Africa neBotswana dziri idzo dzine vanhu vakawanda.

Izvi zvinoreva kuti vanhu vawanikwa vaine Covid-19 munyika muno uye vasina kumbobvira vaenda kunze vasvika 325.

Pavanhu 1 064 ava, 343 vatonaya asi vamwe 20 vakafa.

Huwandu hwevanhu vafa nekuda kwechirwere ichi hwakakwira zvichitevera kufa kwemwana kuMatalebeland South uyo airapwa pane chimwe chipatara cheko.

Vachitaura kuvatori venhau nemusi weChipiri mushure memusangano wedare reCabinet, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, , vanoti Hurumende iri kushushikana zvikuru nekuwanda kuri kuita nyaya dzevanhu vari kubatwa neCovid-19.

Vanoti matunhu anoti Bulawayo neHarare ndiko kune vanhu vakawanda vafa nechirwere ichi.

“Bulawayo neHarare Metropolitan Provinces ndiwo matunhu ane vanhu vakawanda vafa nekuda kweCovid-19 vanove vanonwe (Bulawayo) nevasere (Harare),” vanodaro.

Sen Mutsvangwa vanoenderera mberi vachiti, “Cabinet iri kushungurudzika zvakanyanya nekuwanda kuri kuita vanhu vari kubatwa neCovid-19 vari munyika muno.”

Vanoti Hurumende iri kutora matanho akananga kusimbaradza zvirongwa zvekumisa kupararira kwechirwere ichi anosanganisira kuvhenekwa kwevanhu vakawanda munzvimbo dziri kuwanda vane Covid-19.

Hurumende ndiyo zvakare ichange ichiona pamusoro penyaya yekufamba kuchaita mabhazi pakati pemadhorobha, zvikuru panyaya yekutakurwa kwevanhu vanenge vachida kurapwa zvirwere.

Related Posts

Mutumbi wanhongwa mumugwagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemutumbi wemurume asina kuzivikanwa kuti ndiani uyo wakawanikwa mumugwagwa Elly kuKwekwe. Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands Inspector Emmanuel Mahoko vanoti…

Mutupo Festival younza mimhanzi nekuzivikanwa pamberi

Munyori weKwayedza MUTUPO unogona kuvhura hurukuro, kubuditsa ukama nekushandura mutorwa kuva hama. Mwedzi waGumiguru uno, pfungwa iyoyo yekuve vemhuri imwe chete inenge iri pakati pedandaro paMhemberero yeMutupo (Mutupo Festival), iyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×