A-level: Hondo yakarwadza

Munyaradzi Gunduza

Tinopedzisa mubvunzo watakavamba svondo rapfuura unoti:

Matambudziko kana kuti zvimhingamupinyi zvinosangana nevanhu munguva yehondo

Kufenda chikwata chaidzidziswa hondo kukamba 2 chiri pamwe chete naKuda tinoona chiine vamwe vanhu vanofenda mushure mekunge vamhanyiswa vachitenderera kashanu. Vamwe vanofenda vachiri kutenderera kechitatu sezvakaitwa naBhodho. Josiah anove munin’ina waKuda anowanikwawo achifenda pakumhanya uku.

Kudzvanyirirana Komuredhi Kadiki anoudza Kuda kuti aifanira kunyepa kuti akanga adzidza kusvika mugeredhi repasi nekuti vakuru vaitungamirira hondo pakamba apa vakazviziva vaizomutsikirira kuti aende kunorwa hondo asina hunyanzvi hwakakwana ourayiwa.

Izvi vaizviita nekuti ivo vainge vasina kudzidza saka vaitya kutorerwa zvinzvimbo zvavo nevakadzidza.

Kudzidziswa hondo nenzira dzinorwadza Kuda nevamwe vake tinoona vachidzidziswa hondo nenzira dzaiita kuti vange vachirwadziwa zvakanyanyisa. Tinonzwa achitaura ega kuti pamwe pacho vaikambaira nemumvura, nemuminzwa, kana kumhanya vachipinda nemumoto waibvira.

Kurezvwa nezvinhu zvinokuvadza – tinonzwa zvichinzi, “Yaiva tsika yamabhunu kusiya chimwe chinhu chavaiziva kuti chinoita kuti vanhu vaungane vachitarisa.

Vaiisa mabhomba imomo aiti kana munhu akachibata choputika. Mawairesi, fodya, magaba ebhifi, chitunha chemunhu, zvese izvi zvaisevenzeswa kuteya vanhu. Muzvinhu zvekudya vaiisa chepfu inouraya.” P.77. Zvinhu zvese izvi zvakanga zvauraya vanhu vakawanda chaizvo munguva yehondo.

Kukuvara muhondo hondo inotsva pakamba 2 inosiya vanhu vashanu vakuvara zvakanyanyisa zvekuti kupona kwavo kwaisazivikanwa. Bhodho anokuvara muhondo iyi zvekuti akanga asingachakwanise zvakare kurwa. Kuda anokuvadzwa muhondo pagumbo ndokuzoribviswa achiiswa rechimuti.

Kufamba nzendo refu netsoka povho inobva kuZimbabwe tinoiona ichipinda muMozambique netsoka. Magandanga anoenda kunopamba chikafu kuBurma Valley anoenda netsoka panove pakanga paine mufambo murefu zvikuru.

Magandanga ese aienda kunorwa hondo ari munzvimbo yeBuhera anobva kuMozambique netsoka dakara asvika kuBuhera.

Kurohwa masoja ane nguva yaaipinda mumisha yevanhu vachirova povho zvakaomarara.

Tinotanga mumwe mubvunzo svondo rinouya.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×