O-Level: Chiturabefu nechimiso

Munyaradzi Gunduza

Svondo rino tichaita chidzidzo chiri maererano nekushandisa zvimiso zvechiturabefu nechimiso.

Muchasiirwa basa rekuita iro munofanira kutumira mhinduro dzenyu dzamunofunga kuti ndidzo dzinopindura mibvunzo iyi zvakanaka. Vana vechikoro chete kubva pafomu 1 kusvika 4 ndimi mune kodzero yekutumira. Unofanira kunyora zita rako, zita rechikoro chaunodzidza, fomu yauri, nhamba dzenhare yako neadhiresi yekwaunogara.

Tumirai mhinduro dzenyu panhare dzeKwayedza dzinoti 0714 200 007 kana 0772 491 827 kana email inoti [email protected]

Anopindura mibvunzo inobuda muchikamu chino zvakanaka katatu kakatevedzana pamwedzi achapihwa mubairo webhuku rekuverenga.

Kushandisa chiturabefu nechimiso

Vadzidzi vazhinji vanorasikirwa nezvibodzwa nokuda kwokusaziva kushandiswa kwezvimiso (.) nezviturabefu (,). Kunyora mutorododo wechirevo chisingapi muverengi nguva yekufema kana kuzorora kunorwadza. Hapanoi panofanira kushandiswa zviturabefu nezvimiso.

(a) Chimiso chinoshandiswa panoperera chirevo sokuti: Tinofanira kuchengetedza miti nekuti inhaka yedu.

(b) Chiturabefu chinoshandiswa pakupatsanura pfungwa sokuti: Amai vauya, asi vanga vachirwara.

(c) Chiturabefu chinoshandiswa kuratidza mazwi etsananguro seizvi: VaMunyaradzi, mudzidzisi wedu, vanotikurudzira kushanda nesimba.

(d) Chiturabefu chinoshandiswa kupatsanura zvinhu sokuti: nzou, nyati, shumba nemhara.

(e) Chiturabefu chine basa zvakare rekubatanidza pfungwa sezvizvi: Sekuru vachingosvika pamusha, isu takabva tasvikawo.

Basa rokuita

Shandisa chimiso nechiturabefu kugadzirisa chindima ichi;

Tafadzwa aenda kunofudza mombe naTendai Tapiwa Chido naMary Hapana ari kuziva kuti vanodzoka nguvai asi vanowanzodzoka husiku chaihwo. [10]

Mhinduro dzenyu dzose dzamunotumira tichadziburitsa svondo rinouya pamwe chete nemhinduro dzinenge dzichitarisirwa.

Kana mwedzi uchinge wapera tinodoma mudzidzi anenge ahwinha bhuku zvichitevera mhinduro dzakanaka dzaanenge apa kwemasvondo ose akatevedzana. Kana usati wambopinda mumakwikwi aya unokurudzirwa kufambidzana nevamwe kuti usasaririre shure semuswe.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×