GRADE 7…Zviri maererano nekufu kwemunhu

Ticha Danga
MAZUVA ano tinoti kana munhu arwara tinomuendesa muchipatara kuti arapwe agopona odzoka kumba ave mutano. Tinoti kana asina kunaya anodzoswa kumba kwake achipota achipepwa ariko.

Makare-kare vaiti kana hurwere hwakomba munhu aivakirwa musasa umo hama nevavakidzani vainomuona.

Kana hurwere huchinge hwadzama kuzosvika pakuti munhu anoshaya, panoitwa kunonzi kuridza mhere. Ndiko kuchemwa kunoitwa kwekutanga. Vanhu havangotanga nekukwetsura mhere asi kuti vakuru vatori nemarongero ekuridza mhere.

Kana achinge afa ari mudzimai, mukuwasha anozivisa vanatezvara nezverufu rwemudzimai wake nekubvisa mari yemusumo inonzi mhere. Hapatarisirwi makutukutu emari asi kuti panoitwa kachirango kemari kuitira kuti vanatezvara vasumuke vanoochema mwanasikana wavo.

Kana pachinge pafiwa kudai hama neshamwari dzinobvisawo rubatsiro rwemari nezvimwe rwunopihwa kune mufirwi. Rubatsiro irworwo rwunonzi chema.

Vanhu vane tsika yavo yavanoita kuratidza kurwadziwa pamwe chete neafirwa. Tsika iyi inonzi kubata mawoko.

Kana munhu achangoshaya vanhu vanouraya mombe inodaidzwa kuti nhevedzo. Nyama yacho ndiyo inoitwa husavi hwepanhamo ipapo. Kune dzimwe nzvimbo kune nyama iya inopisirwa mufi hutsi huchipfungaira kuenda mudenga. Nyama iyoyo inonzi yepfungaidzo.

Nzvimbo inoradzikwa mufi inonzi guva kana kuti rinda. Vamwewo vanodaidza nzvimbo iyi kuti bwiro. Kana ava madzishe anovigwa muninga kana kuti mugwindingwi. Kana ari mwana mudiki anovigwa kune hunyoro semubani, pasi pemukute kana mutsamvi.

Kuti bwiro kana rinda rigotanga kucherwa, panotanga pacherwa kakomba nehama yemufi kuratidza pachaiswa guva. Kakomba ikako kanonzi rukarwa. Chiitiko ichocho chekuchera kakomba chinonzi kutema rukarwa.

Kana mufi akafa aine shungu mumba munogona kuoneka mumvuri. Kuti izvi zvipere, vehukama vanotsiura mufi vachikumbaira kuti aseredze shungu kana hasha dzake.

Kana chitunha chaenda kunoradzikwa chinotakurirwa panonzi pabanda kana kuti padara. Kunewo vanhu vanozopinda muguva nemufi. Kana munhu uyu ari mutorwa, ndisahwira.

Mushure mekufa kwemunhu midziyo yake haingosiiwe ichiparara asi kuti inopihwa kuhama dzake nemwero unonzi kugova nhumbi. Kana ari mukadzi ava kutorwa newe hukama nekuti akafirwa kwava kugara nhaka.

Jira rinofukidzwa mufi rinonzi mberi kunashe kana kuti fuko.

Doro rinobikwa kuti rinwiwe vanhu vachinyaradza vakafirwa rinonzi ndongamahwe kana kuti doro rehonye.

Kazhinji kana munhu ashaya, chivanhu chinoti vanofanirwa kuziva chakatora mufi. Nekudaro vanotorana vehukama voenda kun’anga. Kuenda kun’anga ikoko kunonzi kuenda kugata. Mazuva ano vamwe vava kunobvunzira kana kumaporofita.

Kana munhu achinge ashaya, vanhu vanozoda kudzora mweya wemufi mumusha. Nokudaro, vanobika doro vodaidza hama neshamwari kuchiitiko chinonzi kurova guva. Kune dzimwe nzvimbo vanoti magadziro kana kuti chenura.

Kana vachinge vagadzira guva remufi vanozobika doro rinonzi doro rekudzurura guva kana kuti doro regunera kana renyota.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×