A-LEVEL — MASIMBA: VaMuchineripi vanombooma musoro

“KUFUNDISA MWANA” naEmma Chitewe (65-68)
Nyaya iri kunetsana baba naamai ndeyekuti mwana aende kuchikoro. VaMuchineripi semunhu aishanda basa repasi-pasi uyewo vaine mombe nhanhatu idzo vaiona senhaka yavachasiira vanakomana vavo kana vaenda kunyikadzimu, vane vavariro yekuti mwana kana achinge apedza rugwaro rwechinomwe (Grade 7) ave kugona kunyora nekuverenga, saizvozvo anofanira kuenda kunotsvaga basa.

Amai vanoti kwete izvozvo, vana vanofanira kuenderera mberi nedzidzo. Vanozotanga kunyanya kunetsa apo dangwe ravo Chikomo rinopedza giredhi yechinomwe, baba vachiti ngaaende kunotsvaga basa kuitira kuti avabatsire kuriritira vanin’ina vake. Baba vanopikisa vachiti mari yacho yekuti asvike fomu yechina vanoiwana kupi.

Asi amai havaoni saizvozvo. Chikomo anombopikisa baba wake achiti zvino zvaasina chitupa basa racho anoriwana sei baba ndokuti basa rakaita serekufudza mombe haridi chitupa. Kukakavadzana kunoenderera mberi baba vachiti zvavataura ndizvozvo, hapana sendi ravaizobvisa kuti mwana anderere mberi nedzidzo.

Amai vanotsidza kuti vachashanda nesimba izvo vanoita kudzamara vana vose vadzidza kusvika fomu yechitanhatu, vamwe vakatora madhigiri emberi.

VaMuchineripi vanozoona kukosha kwedzidzo, vakatanga kubatsira mudzimai wavo kuchengeta mhuri yavo. Vanozoburitswa basa, asi hapana anoona hurovha hwavo. Pavanokurukura nemudzima wavo vanobvuma kuti vakazozviona kuti kudzidzisa mwana inhaka yeupenyu. Zvemombe zvavaifunga zviya nhaka hapana zviripo.

ONGORORO:

Chidzidzo chikuru chatinoona mukanyaya aka idingindira rekukosha kwedzidzo. VaMuchineripi vanomboomesa musoro wachiti mwana kana apedza giredhi rechinomwe, ndizvozvo, ngaaende anotsvaga basa. Panozopera kanyaya aka vanotaura vega nemuromo wavo vachiti, “. . . ndazozviona kuti kudzidzisa mwana inhaka yeupenyu. Mombe dzandaifunga kuti ndiyo nhaka hapana zviripo.

Dingindira repiri nderekushingirira kana kuchama kuita chinhu, kunyangwe zvooma sei saYeukai achimirira madzimai. Zvinobva zvatiyeuchidza chirevo chiya chinoti dikita ndiwo mupfudze wakanakisa (sweat is the best fertilizer). Kuchama kwavo kwakave nepundutso nekuti (i) murume wavo anozozviona kuti kudzidza inhaka yeupenyu (ii) kufunda kwakaita vana vose vakagona kusvika kufomu yechitanhatu, vamwe vacho vakatora madhigiri emberi. Izvi zvinonyatsa kuti gedye kupindirana nemusoro wekanya aka “kufundisa mwana”.

Zvirungamutauro zvishoma. Tinosangana nechirungamutauro chekudimikira apo Yeukai anoti vachazozviona kuti zvichazogumira kupi zvekuda kana kusada kuendesa mwana kuchikoro apo anodimikira achiti, “Tichagoona kunowira tsvimbo nedohwe” (67).

“KUROORERA KURE” naElizabeth Jackson (69-71)

Mumba maVaSaizi nemudzimai wavo VaMarungweni, vaviri ava vari kutaura nezvekufa kwakaita mwanakomana wavo Matigimu uyo ainge asiya vasikana vemunharaunda maMutoko achienda kunoroora MaDhuve wekuBulawayo uyo ainge akamedza mabhuku.

Chakazoitika ndechekuti MaDhuve uyu ainge asingaoni Matigimu semunhu. Rimwe zuva akatomurongera vanhu kuti vamurove iye Matigimu zvichitonzi nemuvakidzani wake Matigimu atorega basa rimwe zuva MaDhuve akamukandira nhumbi achimuti abve. Pakafa Matigimu, MaDhuve akaramba nhaka.

Enderero mberi svondo rinotevera.

Related Posts

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×