A-LEVEL — MASIMBA: VaMugoti munhu wenyama

“Munhu Wenyama” Ongororo (Enderero mberi): VaMugoti munhu akasikwa naMwari ari munhu wenyama, zvino semunhu akadawo mukadzi wekugara naye sekusikwa kwaakaitwa. Vakaitawo Monica mudzimai wavo sezvinodiwa nenyama yemunhurume. Zvino vaigozozvidini idzo dzauya dzega.

Ndiwo musoro wenyaya unonyatsa kuenderana nezviri kutora nzvimbo mukanyaya aka. Hatingati VaMugoti vakazopirei Monica pamuviri ivo vakagara naye semudzimai wavo. Izvi zvinowirirana nezvinotaurwa nevanhu vari munyaya. Tinonzwa VaMoyo vachiti, “. . . Munoziva tiri vatendi zvedu asi hatikanganwe kuti tiri vanhu venyama. Nyika haigume nekufirwa neshamwari kana kupinza chembere iyi mumba mako isu tinozvitsigira” (93).

Ivo vatezvara vavo vainge vavarongera kuti vatore chino chimhandara, mwanasikana wehanzvadzi yomushakabvu kuti vaite chimutsamapfihwa (93). Mwanakomana wavo Paul tinomunzwa achiti kwavari, “Madii kungotsvagawo chembere yenyu yaguma kuzvara mukawana wokutaura naye” (95). VaDemowo nekune rimwe divi vari kukuzirirawo VaMugoti kuti vasangogara vari voga. Saka vachizofunga zvekuita munamato pamba pavo nekuti, “Unenge uri kufunga zvakadzama-dzama mazuva ano. Haikona kudaro mhani.” (101)

Kunyangwe zvazvo kwaive nezviyedzo zvainge zvakavatendererdza vakamboedza kusimbarara nerokuti vaisazodazve mumwe mukadzi sezvinotaurwa kudai, “Dzimwe chembere dzeraini dzakambouya dzichida kuvakwezva kuti vambotandara navo. Ivo vaingoti vaiva nebasa, votora sanhu ravo namakavi vononyepera kusunga-sunga danga remombe” (100).

Asi semunhu wenyama vakazokurirwa vakazoonekwa vaitisa Monica nhumbu vogara naye pamba pavo.

Chidavado cheenzaniso tinochiona chichishandiswa zvakati kuti. Mwana waMbuya Muswa anosimbirira nerokuti atore amai vake vabve pamusha paVaMugoti vagoenda kunogara nevazukuru vavo kumusha kwavo, kwete kugara pamusha paVaMugoti. Anokakamara achitaura izvi achiti iyeye ndiye vaya vachengeti vanosevenza usiku “samazizi” (99).

Mbuya Muswa vanotambudzwa nekudzingwa kwavakaitwa pamusha pavo izvo vanoti baba wevana vavo vakavadzinga “semvuu”(99). Nyaya yekuti vaende kumusha kunochengeta vazukuru inoshungurudza Mbuya Muswa zvekuti VaMugoti vanozosvika pakuvapopotera vachiti vainge vabva vasiya zvose manhanga nembambaira vachiti VaMugoti vachazvidya vakazvipedza voga izwi ravo richidedera “semwana ava pedyo kudonhedza misodzi” (100).

Ivo mbuya Muswa panguva iyi mabvi avo yainge yangova mvura “kunge amai kufuratira rusvava ruri kufa” (100). Panopera masvondo maviri harahwa iyi, VaMugoti, ichingodzengerera pamba isina hanya nekunwa kana kudya, vachingozvimanikidza “somunhu mukuru aiziva kuti anofanira kudya.” Nechekunowo Mbuya Muswa havasisina wokutaura naye, vachingoswera nevazukuru vachingovafudza “kunge mbwa zvere” (100).

Matsanangurirwo anoitwa VaDemo kunoti kusetsa. Mukuru uyu aive nebaravara remusoro idzo ndebvu “dzichinge bumhudza” (101). Kuzoti kana yave mhuri yavo tinonzwa kuti vaiva namadzimai mana, iyo mhuri kukura “waiti zvimwe pamusha pane musangano” (101).

Monica kumusha kwaaigara zvokudya zvainge zvichinetsa chaizvo sezvo tinonzwa kuti pakasvika nguva yekudya pamusha paVaMugoti, mwanasikana uyu akadya “semombe yabva kusina mashe” (102).

Mbuya Muswa vanonzwa mwoyo wekufunga shamwari yavo ndokuenda kunoiona asi zvavasvikoona zvinoita kuti vadzoke kumusha pahuro “pachinge pakagara dombo nokurwadziwa” (103)

(Enderero mberi svondo rinouya.)

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×