Mushandi

naTapiwa E. S. Makopa

Richiti vhuu kubuda zuva,

Neniwo kwarakwashu panhovo ndamuka,

Kumukira kunoshandira yechizvarwa nyika,

Handiti kudya chemuzvere kubata rusvava,

Ndotobuda ziya kushandira ivhu racho rigondipa.

Kubva richiti simu dakara riti dzii madokero,

Tichashanda tigodikitira pasi peukasha hwaro,

Kupisa kwaro kuya kana kumbokunzwa zvedu,

Togotyeiko isu takaateya murutsva mariva,

Totoshinga kupambara pasi sehuku,

Ndizvo tigoona zviuya kubva mupasiro.

Apunyaira haashayi misodzi zvirokwazvo,

Mukare akataura wani akanga azviona.

Sevenza ziya riti nyakata teu-teu,

Unowana chete mugove wekushanda kwako,

Kuti mhuri dzirarame totoshanda nesimba,

Budiriro yenyika inobva mukushanda kwedu.

Nhai vaRungu, imi vashandirwi, inga tinoshandawo wani,

Kana tashanda ngatipihwe mugove unotikwanira,

Ndizvo munenge matipa simba idzva neruvimbo,

Mangwana tigowedzera simba pakushanda,

Tikawedzera simba goho rinowedzerawo,

Ndizvo tose tinowana, tose tinoguta, nyika yopunduka.

Mushandi shanda nesimba neshingiriro,

Ndiwe muchairi wengoro yeupfumi hwenyika,

Kushanda kwako nesimba nengoro inopinda mugwara,

Kana ukaita chiramwa ukaregedza matomu,

Ngoro inopinda muzambuko, upfumi hwenyika mbombombo,

Pedzisire tava varombo munyika ine uchi nemukaka.

Hazvinei kuti uri mushandi rudzii,

Muvaki, mudzidzisi, muchairi, gurukota,

Kana nyanduri, chipangamazano

Semuzukuru wekwaMakopa anokurudzira vamwe kushanda,

Paunoshandira ipapo shanda nesimba,

Nokuti budiriro yenyika iri mumawoko ako,

Iwe mushandi weZimbabwe.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×