Unondiroora nei iwe uri rombe?

Muchaneta Chimuka
MUTYAIRI wemabhazi ekwaMunhenzva akamiswa mudare reChitungwiza Magistrates’ Courts achitarisana nemhosva yekubira shamwarikadzi yake $2 500 iyo akange atumwa kuti anomutengera materevhizheni kuSouth Africa. Muchuchisi Innocent Tizirai akaudza dare kuti muzuva risingazivikanwe nedare asi muri mumwedzi waChikumi gore rino munguva dzemasikati, munhan’ari Grace Mafuya (38) wepanhamba 29585 Unit M, kuChitungwiza, anonzi akapa Joseph Mudziviri (31), uyo anove mutyairi wemabhazi $2 500 yekuti anomutengera terevhizheni shanu dzerudzi rwePlasma 42 inch kuSouth Africa.
Vaviri ava vanonzi vakabvumirana kuti mushure memazuva mana zvinhu izvi zvinenge zvatengwa pamwe nekuendeswa kumuridzi wazvo.

Zvisinei, mazuva avakange vawirirana aya akazodarika pasina chimuko izvo zvakaita kuti Mafuya abvunze Mudziviri asi akakundikana kumupa materevhizheni iwayo kana kudzora mari yaakange apihwa kuti anoatenga.
Pa$2 500 yaakapihwa, mumhan’ari hapana chaakawana.

Mudziviri ari kuramba mhosva yaari kupomerwa iyi achiti mari yaakapihwa i$520 uye yakange iri yekuti varonge muchato.
“Mudzimai uyu anonyepa, akandipa $520 chete, achida kuti ndichate naye mushure mekukanzurisa muchato wake waakaita nemurume wake akashaya. Saka paakaona ndave kuramba kuchata naye, ndipo paakatangisa kundisungisa achiti ndine $2 500 yake. Ari kungoda kundipfidzisa nekuramba kuchata naye kwandakaita,” akadaro.

Mafuya akapokana nemashoko aya achiti haana kumbobvira aronga nyaya yemuchato naMudziviri kunyangwe zvazvo vaidanana.
“Murume uyu ndinomuziva nekuti tinopinda kereke imwe chete kuPHD (Prophetic Healing and Deliverance) kwaProphet Walter Magaya. Handina kana kumboronga muchato naye nekuti kwedu kumusha hakuna munhu anochata asina kuroora.

“Ko, anondoroora nei iyeyu rombe zvaro? Ari kuda bedzi kunzvenga nyaya yemari yangu yandakamupa kuti anotenga materevhizheni emhando yepamusoro mashanu,” akadaro Mafuya.

Mutongi Jessy Kufa akati nyaya iyi yaizoenderera mberi zvakare munguva inotevera.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *