A-LEVEL — ngano dzamatambidzanwa: Mubvunzo nemhinduro

Munyaradzi Gunduza

  1. Uchishandisa ngano shanu, tsigira pfungwa yokuti vanhu vanoita zvisingatarisirwe muupenyu vanorangwa. [25]

Murungano runonzi Vasikana navakomana shumba mune vasikana vanoroorwa navakomana vavainge vasingazivi izvo zvaisatarisirwa patsika dzavaShona. Murungano urwu vasikana ava vanopfimbwa navakomana vavainge vasingazive avo vavanosangana navo patsime vachibva vatobvuma. Zuva iroro vanobva vawirirana zvekutizisana. Vasikana ava vaive nekahanzvadzi kavo kadiki kavaida kuti kadzoke kumba ivo voende nevakomana vavo, asi kanoramba ndokuzopedzisira vaenda nako. Vari munzira kuenda kumba kwevakomana vavo, vanomborara munzira sezvo vasvibirwa. Hwave usiku pavaidya sadza nenyama vasikana vakanzi vasadye nyama vachipedza munyepfu, asi vasiye mabhonzo ane munyepfu kuti imbwa dzemuzinda dzizowanawo chekudya.

Vakomana ava vakazomuka vakapinduka kuita shumba ndokudya mabhonzo aye airaswa navasikana vavo. Kahanzvadzi kevasikana ava kaiona zvose zvaiitika, asi kakangonyarara zvako. Vasvika kumba kwevakomana ava, kakaudza hanzvadzi dzako kuti vakomana vavo vaipinduka kuita shumba, asi vakabva vazviramba vachikapopotera.

Kakomana kaye kakazoruka nhava yako yakakazotakurisa hanzvadzi dzako mushure mekunge dzazoona kuti chokwadi vakomana vavo vaipinduka kuita shumba. Nokuda kweupenzi hwavasikana ava, vanonorangwa apo pavanopotsa vadyiwa neshumba dzavaivimba nadzo vachiti ndivo vaive varume vavo kunyange zvazvo vachizoponeswa nekahanzvadzi kavo kadiki.

Mungano yakanzi Gore renzara chinhu chisingatarisirwi chaiitwa nemurume ari mungano iyi kunyima mhuri chikafu.

Mungano iyi mune murume aive nemudzimai wake; kwakaita nzara murume ndokufunga zvokuenda kunotsvaga uchi musango. Akabura uchi achibva asiya aviga humwe musango, akaenda kumba nehushoma. Akanga ave kupota achidyira uchi hwake kusango achinoramba kasadza kaaisirwa nemudzimai kumba.

Mhuri yakazonyumwa ikatevera murume uyu ichibva yaona kuti aidya uchi kusango; yakatora uchi huya ndokuhudira mavhu namadota. Paakazoda kunodya uchi akawana pasisina ndokuenda kumba aine tarisiro yekuti anodya sadza. Mudzimai wake akamupa kasadza kadiki ndokudya, asi akakumbira rimwe achiti ainge anzwa nenzara. Mudzimai wake akazotaridza murume uchi hwaaidya oga musango achinyima mhuri achibva amuramba sezvo ainge aona kuti murume uyu akanga asina rudo.

Mukadzi akasunga twake akaenda zvachose murume ndokuzosara asina mukadzi. Murume uyu nekutadza kwake kwaainge aita, anozorangwa kuburikidza nekurambwa nemudzimai.

Tinopedzisa kupindura mubvunzo uyu svondo rinouya.

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×