O-LEVEL — MUnyambiri: Tsika dzepasichigare

Munyaradzi Gunduza
KANA uchiverenga bhuku rinobata mararamiro evanhu muchinyakare, unofanira kugara uchiziva zvinhu zvavaiita zvinoita kuti rungano rwacho rwunzi rwunoenderana nenguva iyoyo. Zvinodaro nekuti mararamiro atave kuita mazuva ano asiyana zvikuru nemararamiro aiita vanhu vepasichigare.

Kuziva zvinongedzo izvi kunokubatsira kuti unzwisise nguva inoitika nyaya zvakare. Zvimwe zvezvinhu zvinobuda muna Manyambiri zvichiratidza nguva iyi ndeizvi;

Pasichigare vanhu vaidyira chikafu mumbiya. Tinonzwa kuti pagungano rekutanga pamuzinda waMambo Njeremavhu nemakurukota avo pavanenge vachitonga nyaya yemapatya aRufuse, panoenda nhume kunotora Mindya vakadzi vepamuzinda vanotanga kuunza chikafu chaive chakaiswa mumbiya.

Varume vaienda kunovhima vachitsvaga usavi mumasango. Tinonzwa varume vaive padare raShe Njeremavhu vachinyunyuta kuti nyama yavo yakanga yave kupera zvinoonekwa nekudya nyama yetsuro nemhembwe. Vamwe vaiti mhuka hombe dzakanga dzave kunetsa kubata.

Tsika yokuzvarira vana. Muchinyakare maive netsika yekuzvarira vana. Izvi tinozviona kuna Rufuse anoenda kwaMambo Njeremavhu achinovapa mwana mumwe chete pavacheche vake vainge vazvarwa vari mapatya. Ndizvo zvinoita kuti Paido azoroorwa naNduramo mwana waShe Njeremavhu.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *