‘Zvinokurwadzai kuti ndakaroorwa’

Milcah Nhakura
MUDZIMAI nyachide pabarika akaendesa vahosi nevabereki vavo kudare achivapomera mhosva yekumurova nekumutuka.

Monica Matiza akamhan’arira Privledge Mombeshora naamai vake Angelina Mombeshora vose nababa vake Paradzai Mombeshora kuHarare Civil Court achikumbira gwaro rerunyararo. “Mhuri iyi yandishaisa rugare. Vakarwadziwa nekuroorwa kwandakaitwa nemurume wangu. Vanondirova, kundituka nekundinyadzisa pakazara vanhu.

“Mumwe musi ndaizviendera kumagirosa ndikasangana navo vari vose, vakandibanhira pasi ndokutanga kundidyunga neamburera. Ndaive ndakabereka mwana kumusana zvekuti akatokuvarawo,” anodaro Matiza.

Anoenderera mberi achiti, “Vakatanga kundibvunza nezvemidziyo yaPrivledge vachinditi ndinoishandisirei. Ndatoperekedzwa navamwene vangu kuzondimiririra nekuti mhuri iyi yandishaisa mufaro.

“Rimwe zuva vakandizvuva vachindiendesa kumotokari yavo vachinditsika-tsika. Amai vavahosi vangu ndinovaonawo saamai vangu saka pandakati sorry amai vakatonditi handisi amai vako.”

Matiza anoti paakamhan’ara kumapurisa nyaya yekushungurudzwa kwake, vahosi vake nemhuri yavo vakamuudza kuti vachatowedzera kumuonesa ndondo.

“Pandakamhan’ara kumapurisa, vakanditi ndinoda kukupfidzisa pamberi pemapurisa. Angelina akatonditswinya achinditi ramba uchitaurisa tichaona kunowira tsvimbo nedohwe. Vakazombouya kumba kwangu ndokuyedza kugujunura musiwo wangu vachida kuparadza midziyo,” anodaro Matiza.

Priviledge, uyo akataura akamirira vabereki vake, anoti haapokane nekuti Matiza apihwe gwaro rerunyararo.

“Handipokane nazvo kunyangwe akapihwa gwaro iri asi chandinoda midziyo yangu uye kuti asaishandise. Handidi nezvinhu zvangu zvandakashandira,” anodaro.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Matiza gwaro rerunyararo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *