A-LEVEL — PAFUNGE: Rudo anochema averenga tsamba

CHITSAUKO 19 (Ongororo: Enderero mberi)
Mamhanyiro ainge achiita kuti vanhu vasagarisika zvakanaka munzvimbo dzavo sezvo raiti kana rasvika pane chikoronga chaidimura nzira, vanhu vaiitwa kupepetwa “senzungu dziri murusero” (88). Kuzoti kuenda kwakaita Susan achisiya Rudo ari paikwirirwa chitima, kwaiita “sokwapera makore matatu” (92) Susan asati adzoka.

Maitiro aSusan anonyatsoburitswa pachena apo anotaura naRudo achiti Rudo akamubvunza sei kuti ari kuita “sebvupa rakaraswa rinoti imbwa yariona yoti hekani waro, mhanza yangu haibviri, yon’en’enawo yosiya zvakadaro musango?” (92). Susan wacho apo anoona Ozius Maware oyeuka zvaakaitirwa naye, anonzwa mumwoyo make muchibvunduka “somudhigidho revapwere” (93).

Kudimikira tinokuona kuchishandiswa ndizvozvo hazvo vanhu mubhazi raimhanya kwazvo iri vakaoneswa nhamo tsvuku vakazungurwa ura “vakabva chiri kumeso” (88). Panosvika bhazi paNharira, rinombomira vanhu vombowana chokukanda mudumbu kana kuti “vambotora peturu yomudumbu” (89). Panguva imwe cheteyo, bhazi rinonwa dhiziri “kuti tsinga dzaro dzitwasanuke” (89).

Rudo achitaura naOzius Maware, anoti haadi zvekunyengedzwa saka achiti “asi nhasi mava kuda kundibata kumeso nezvemahara apo” (90). Iye mujaya uyu kuna Susan, munhu akamugumbura zvikuru, izvo anoti, “. . . ndiyo mhungu yakandikobora ndikasviba mwoyo wese” (93).

 

CHITSAUKO 20 (Nyaya yacho):

Asvika pamba, Rudo anoramba achingoti akadzokorora tsamba yaakanga awana pamwe chete nemufananidzo waamai vake mubhokisi raJoe paaitsvaira mumba. Mamwe matsamba aainge awana aive erudo, asi pane imwe yaakaverenga iyo yaive izere nenhamo, kutambudzika nekugumbuka kukuru kwazvo.

Paanoiverenga, mwana wemunhu anoonekwa ava kusvimha misodzi.

Tsamba iyi inotaura nezvekupfimbana kwakaita amai vake Annatoria Tichafara nemumwe mukomana ainzi Josiah. Mukomana uyu akazovaramba vava nenhumbu achimuti ipfambi yemusikana izvo zvakarwadza Annatoria zvikuru nekuti zvechipfambi ainge asingazvizivi. Annatoria aida mukomana uyu zvikuru achitarisira kuroorwa zvakanaka nekuzomisawo imba yavo, asi mukomana uyu ndipo paanobva aramba nenhumbu yacho.

Annatoria ari pakati pokunyora tsamba iyi, anonzwa kuchema kwevanhu ndokumbomira kunyora. Anozodzidza kuti mudzimai waVaManyame avo vainge vashaya, vanoponera munzira yokubva kuchipatara kwava kurasikirwa neropa rakawanda zvokuti vakabva vafira pavakaponera chana chechikomana chavakapona chakararama nekudaro musikana wepamusha apa ainge atumwa kuna Annatoria vachida kunzwa kuti haangambochengeti chana ichi here.

Mudzimai ainge ashaya uyu, ndiye uya uyo Annatoria ainge adzinga apo ainge amuti haasi kurwara. Izvi zvinomutambudza zvikuru.

Tsamba iye inoenderera mberi ichitaura nezvechishuwo chaAnnatoria chokuti nerimwe zuva mukomana ainge amuramba uyu achazowana achamugonawo, achitsumba kuti dai akapona mwanakomana uyo aizogona kutsiva zvakaitirwa amai vake.

Enderero mberi svondo rinotevera.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×