DETEMBA TINZWE: Kwiridzira zvikabudura hanzvadzi

naAudrey Hwande

Achiri pazera rako iri

Peter Ndlovu akaita mukurumbira,

Nekutamba nhabvu.

Uyuwo Mukudzei Mukombe

Arikudadisa nemimhanzi,

Inokodza moyo nepfungwa

Kozotiwo Mark Zucker burg

Akaita mashiripiti ekugadzira fesibhuku.

Zvino iwe hanzvanzi,

Tinokuziva chose,

Nokuirikidza zvikadubura;

Chimwe muchiuno

Chimwe muzvidya

Chimwe mumabvi

Asi chiiko nhai m´kanya?

Sekuru vakapfimba mbuya,

Nokuridza tyava padhibhi

Chenzira akatambirwa,

Noruzhinji paaive Jekanyika

Ake matumba akabvuta

Moyo yaSuku naSayi.

Asi iwe hanzvadzi yangu,

Paunopfuura,

Vamwe vanodambuka mbabvu nekuseka

Vamwe sevanoshopera vanodzungudza,

Vamwewo vanongotarisa kurutivi.

  • Audrey Hwande ari muGrade 7A paTafadzwa Primary School, muRimuka, kuKadoma.

MAONERO:

Mupepeti VaShamba ndibatsireiwo kupa Audrey Hwande sando dzake!

Nhetembo yakarongeka zvinofadza iyi.

Inoraya pamwe chete nekunongedzera hupenzi nenzira inosetsa.

Ndanyanya kufarira kwainobva nako.

Inotanga nemusoro unonongedzera hupenzi, uye unoseka hunhu husingafadze.

Iko kungoti, “Kwiridzira zvikabudura hanzvadzi,” kunotaura kuti pane zvisina kumira zvakanaka pakuratidzika kwehanzvadzi iyi.

Kana tazopinda mukati menhetembo yacho tinoona kuti inotanga nekupa mienzaniso yevanhu chaivo vakaita mukurumbira nezvinhu zvakanaka.

Anotaura zvaPeter Ndlovu wenhabvu, oenda kunaJah Prayzah wekuimba asati ayambuka mhiri kumurume wechidiki akagadzira Facebook.

Izvi zvinoratidza kuti munyori akaita tsvakurudzo kuti anyatsoratidza hanzvadzi yake kuti kana ukarongeka unobudirira muhupenyu. Uzotarisa kuti zviperengo zvemazita evanhu wazvinyora zvakanaka here.

Apedza kutaura zvevamwe vakaita zvinhu zvinoyemurika, anoenda kunotaura zvembiri ine hanzvadzi yake.

Anozivikanwa nekuvirikidza zvikabudura.

Kana naiye abva adzokera kumutupo kuratidza kuti zviri kuitika zvapesana nezvaanotarisira muna bhudhi vake muyera soko, makwiramiti, mukanya.

Anobva anyatsoti, “Asi chiiko nhai M’kanya?”

Uyu mubvunzo wakanangana nekubatsira kudzora pfungwa dzaMakwiramiti dzave kurasika.

Pamwe vakashevedzwa nemutupo vangatirimuke.

Mundima yechina, nyanduri abva adzokera shure kunotsvaga zvimwe zvekuratidza hanzvadzi yake kuti hapana chinobuda mukuita chenzira anongojakaira nenyika. Ndafarira kushandisa enzaniso kunonwisa mvura panzi naAudrey, “Paunopfuura . . . vamwe sevanoshopera vanodzungudza.”

Unobva wanyatsoona mupfungwa dzako zvakajeka vanhu vachiratidza kushaya chekutaura nekuda kwehunhu hwemukomana ari kutaurwa.

Ndafarawo zvakare mundima yechipiri mashandisirwo aitwa mazwi ana /chi/ achibva aburitsa chinhu chinonakidza chapera nekubvunzwa kuti “asi chii.”

Wagona Audrey, ramba uchiverenga mabhuku nekunyora nhetembo nerondedzero nekuti ramangwana rako rakajeka.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×