‘Anoda kundiponda nevana’

Kudakwashe Chinokuya
MUDZIMAI wekuti murume wake anoda kumuuraya pamwe chete nevana vavo akazopotera kudare. Anna Natch akaendesa Gilmore Musekiwa kuHarare Civil Court achiti anogara achimuzvambaradza. “Changamire, murume uyu anogara achindirova, handzive kuti mhosva yangu ndeyeyi. Anoti anoda kundiuraya pamwe chete nevana saka ndava kutotya kugara naye,” Natch akaudza mutongi wedare iri, Barbra Mateko.

“Handichamuda nekuti ndakaona kuti handingagarisane nemhondi. Rimwe zuva akamboda kundidira mvura inopisa ndakatiza nevana ndichitya kuti vanogona kupondwa. Ava nemazuva asiri pamba achigara nepfambi yake. Ini zvekugarisana naye handichada zvangu.”

Musekiwa akaramba zvaitaurwa naNatch achiti: “Zviri kutaurwa nemudzimai uyu ndezvemanyepo. Tine makore akawanda tichigarisana uye tine muchato. Kana ndichimutsiura haaterere zvinova zvinondigumbura sababa vemusha. “Vana vaanoti ndinoshungurudza manyepo nekuti hapana zuva randakambopinza vana munyaya dzedu tiri vaviri asi iye anoda kuvadzidzisa tsika dzakashata. Musi wandakanetsana naye ndakanga ndaona mameseji echikomba chake mufoni make. Chipfambi chake chakandigumbura ndakasvika pakumurova.” Mutongi Mateko akapa gwaro redziviriro kuna Natch.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×