Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 16 (Ongororo
Enderero mberi):
Enzaniso yekutanga tinoiona apo tinotanga kuverenga chitsauko ichi. Mavhuvhutiro aiita mhepo apo kwainge kwoda kunaya dzvotsvotsvo remvura kunonyatsoburitswa apo zvinonzi mhepo yakange yopitimidza ichibva kuchamhembe “kunge danga renhoro raona chiradza cheshumba” (73).
Muimba yokumirira chekufambisa mune zvamowo zvirimo. Vamwe vanhu vainge vari mumba iyi vainge vakangoti undundu “kunge makwai kana kuti huku dzanaiwa” (73).
Kubva kwaiita Rudo naJoe vachienda kumba kwake vaifamba vachitsika mumadhaka “kunge vaya vari kukanya zvidhina” (74).
Pavanochiti vachitsauka kubva munzira vanange kumba kwaJoe, Rudo akaona “sovatsaukira murima rakanyanya kudzama” (74). Imba yavanopinda haisiri iyo yaitarisirwa naRudo saka achiti aona “setiri mubako” (74).
Joe anotoseka zvake achiona Rudo achitambudzika nezvaari kuona sekunge zvinhu zvakanaka izvo zvinonzi aitoseka zvake nhamo yaRudo “sorugare” (75).
Usiku uhwu panopenya mheni zvinotyisa yoita “seyatsemura matenga napakati” (76) kwobva kwatevera kutinhira kwaityisa chaizvo uko kunonzi kwakaita pasi apa “sepakanga pakwatanuka sependi yendiro yaita zvokunzi pasi negaro peve kudonhedzwa” (76).
Iro rima racho rinotevera kune munhu aive nebepu raiita “kunge raiti mhenga mhenga kuzunguka” (77).
Patinotanga kuverenga chitsauko ichi tinobva tasangana nepfekedzahunhu iyo inotiratidza zvainge zvichitora nzvimbo maererano nekugadzirira kwekunaya kwemvura yakawanda chaizvo.
Zvino miti neuswa zvaivhuvhutiswa nemhepo yakasimba zvokuti “wainzwa zvichichemera mhepo kuti hwiyo, hwiyo, hwiyo, mhepo usatisiye” (73).
CHITSAUKO 17 (Nyaya yacho):
Mangwana acho kusanduka kwaita mamiriro ekunze haungati nezuro ndiko kwaive nedzvotsvotsvo remvura.
Rudo apo anenge ari muchitima achienda kumusha zvinhu zvose zvinoita zvitsva kwaari. Mubhazi rinoenda kumusha hamuna zvamo nevanhu vose musi iwoyo.
Paanosvika pachiteshi, anowana akamirirwa naRebina musevenzi wavo ainge atsiva Chiedza.
Vari munzira kuenda kumba chinyararire, Rudo anoyeuka rungano ruya rwemuBhaibheri rwemwana muparadzi ndokuti achaitawo saizvozvo kuna Mufundisi Lovedale.
Ava mumba make manheru acho, anoona mufananidzo waamai vake watonyanya kufanana naye ndokurangarira kuti zvavakanga vaitirwa ndizvo zvaakanga aitirwawo.
Hapana waanotaurira, arere pamubhedha ndokuona kuti amai vake vainge vari nherera yainge yanyengedzwa, iyewo aive nherera yainge yanyengedzwa naJoe.
Pakurara apa anorota mazihope aityisa achichata nemombe, madhongi, imbwa, katsi nembudzi achipinda mumba inenge bako kana zigomba pasina vaperekedzi, mudanidziri wepamuchato riri gonzo. Paanopepuka anoshamisika nehope dzakadai.
(Enderero mberi svondo rinotevera.)



